7.am is finding a new home!We're moving to
RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.
Wakarangarihwa. Ukaseyedzewa. Ukachenuhwa. Wudofanana Navo
Muvhuro, 8 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Kamupekare vaya vaakagara arongera. Ndivo vaakaseyedza. Vaakaseyedza ndivo vaadoruramisa. Vaadoruramisa ndivo vaakasandura rudzi. Kuti vafanane naye” (aRoma 8 ndima 30).
Ndinoda kuti uwongorore ndima yatavhura nayo. Inoti Mwari vakagara vatirongera. Takaseyedzewa. Takachenuhwa,tikasanduhwa rudzi. Tisiyitiwa kuti tifanane naMwari. Asi vakagara varongehwa vacho ndiyanaani? Ndevaya vose vanowana mukana wekunzva shoko reRuponeso. Saka munhu anganzva shoko reRuponeso. Izvi zvinoreya kuti Mwari vanenge vakatorangarira munhu uyu. Vanenge vakatoronga kuti munhu uyu aponesewe.
Shoko reRuponeso iri ndiro zvekare ravanoseyenzesa kuseyedza anhu. Saka munhu anganzva shoko reRuponeso. Munhu uyu anenge atodeyedzewawo naMwari. Munhu uyu angazogamuchira shoko iri. Anenge atogona. Ndiko kusaka tisifanira kuparidzira Ruponeso kunyika dzose. Tisiriparidzira kuzvisikwa zvose. Anhu vangazogamuchira shoko iri. Vasizonyikiwa muna Muponesi. Anhu ava vanozoponesewa. Asi amwe vangasazogamuchira shoko iri. Vanhu ava vanozotayiwa. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa muna Mako yegumi netanhatu ndima yegumi nechishanu kusvika yegumi netanhatu.
Asi kune vaya vari muna Muponesi Jesu. Vanhu ava havazi kuzorangiwa. Havazi kuzotayiwa. Izvi ndizvo zvinonyayira Bhaibheri. Tinozviyerenga momuye muna aRoma yechisere ndima yekutanga. Asi seyi vasiri kuzotayiwa? Nokuti adochenuhwa. Izvi ndizvo zvatinonangara momuye muna aRoma yechishanu ndima yekutanga. Ineti, “Saka kuyimba naMwari ndiko kunotichenura. Ndiko kunoyita kuti titohwe seanhu vasinayi mhosva yavadopara. Kureya kuti Ishe Jesu Muponesi ndivo vakatiyananisa naMwari”. Kuchenuhwa kunoreyei? Kunoreya kuwanikiwa usinayi mhosva yawudopara.
Saka Mwari vanokunangara semunhu adosukiwa naMweya Uneyera . Anoyera. Adochenuhwa naMweya Uneyera . Ava kuziikamwa nezita raIshe Jesu. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa mutsamba yekutanga kuaKorinde chitsauko chetanhatu ndima yegumi neibodzi. Iweiwe waa muna Muponesi Jesu. Shoko reRuponeso rakakutsawura. Rikakuseyedza. Ukachenuhwa. Asi harinayi kugumira pakarepo. Wakazosanduhwa rudzi. Ukaitiwa munhu werudzi hwaMwari. Izvi ndizvo zvatanangara mundima yatavhura nayo. Yati, “… Vaakaruramisa ndivo vaakasandura rudzi. Kuti vafanane naye”. Hareruya!
Hupenyu hwako hwaa hweAmwari. Ishe Jesu vane mashoko yavadonyayira. Tinoayerenga muna Johwani yegumi nenomwe ndima yemakumi mayiri nembiri. Ineti, “Ndakavaita verudzi hwenyu. Sezvamakandiitawo werudzi hwenyu. Kuti vafanane nesu”. Saka tisiri panyika pano zvedu. Asi takafanana navo pazvose. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa mutsamba yaJohwane yekutanga chitsauko chechina ndima yegumi nenomwe. Mwari Baba vava kunangahwa pawuri. Vanonangahwa pawuri sekunangahwa kwavanoyitiwa pana Jesu.
Zvino iweiwe ungaziya izvi. Chingazoyita kuti uhware chii? Ramba kuva murombo. Ramba kuva munhu asinayi simba. Ramba kuva munhu asinayi chaanoziya. Gara usinyayira usiti, “Inini ndiri munhu werudzi hwaMwari. Handizi kuzoregera zvihwere zviri mumiiri mangu. Muponesi vanokudziwa mandiri. Vanonangahwa pandiri”. Hareruya! Aya ndiwo anofanira kuva mafungiro yako. Mwari vakakurangarira. Vane hupenyu hwavakakurongera. Vakakuseyedza. Vakakuchenura. Vakakuita werudzi hwavo. Mwari ngavakudzwiwe saMwari.
Namata Usiti
Baba vadorurama. Ndinokutendayi. Ndaa kuziya zvamakarongera hupenyu hwangu. Ndinorarama semunhu adorangarihwa nemi. Akaseyedzewa. Akachenuhwa. Akaitiwa werudzi hweAmwari. Ndinorarama ndidoshinga. Ndisiziya kuti hapanayi chingaparadza hupenyu hwamakandirongera. Ndinotekayira munzira dzamudondirongera imimi. Ndisirarama seMuMwari. Ndisirarama hupenyu chaihwo hwamudondirongera. Muzita raJesu. Ameni.
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
aEfeso 1 ndima 11
2 Timoti 1 ndima 9
1 aKorinde 1 ndima 30