7.am is finding a new home!We're moving to
RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.
Wakacherechedzwa. Ukadaidzwa. Ukachenurwa. Wafanana Nawo
Muvhuro, 8 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Futi aya. aakagare arongera. Ndiwo aakadaidzahe. aakadaidzahe ndiwohe aakaruramisa. aakaruramisa ndiwo aakashandura rudzi. Kuti afanane naye” (Varoma 8 v 30).
Ndinode kuti unangisise vhesi yatabeura nayo. Inoti Mwari akagara atirongera. Takadaidzwa. Takachenurwa. Tikazoshandurwa rudzi. Tichiitwa kuti tifanane naMwari. Asi akagara arongerwa acho ndiana ani? Ndeaya ese anowana mukana wekuzwe soko reRuponeso. Saka munhu angazwa soko reRuponeso. Izvi zvinorewa kuti Mwari anenge akatorangarira munhu uyu. anenge akatoronga kuti munhu uyu aponeswe.
Soko reRuponeso iri ndiro he raanoshandisa kudaidze anhu. Saka munhu angazwa soko reRuponeso. Munhu uyu anenge atodaidzwawo naMwari. Munhu uyu angazogamuchira soko iri. Anenge atokona. Ndiko kusaka tichifanire kuparidze Ruponeso kunyika dzese. Tichiriparidze kuzvisikwa zvese. Anhu angazogamuchira soko iri. Achizonyikwe muna Muponeso. Anhu aya anozoponeswa. Asi amweni angasazogamuchira soko iri. Anhu aya anozoraswa. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Mariko 16 v 15 kusvika 16.
Asi kune aya vari muna Muponesi Jesu. Anhu aya haasiba kuzopanichwa. Haasiba kuzoraswa. Izvi ndizvo zvinotaure Bhaibheri. Tinozvierenga muna Varoma 8 v 1. Asi sei asiri kuzoraswa? Ngekuti akachenurwa. Izvi ndizvo zvatinoona muna Varoma 5 v 1. Inoti, “Saka kuvimba naMwari ndiko kunotichenura. Ndiko kunoita kuti titorwe seanhu asina ndaa yaakapara. Kurewa kuti Ishe Jesu Muponesi ndiwo akatiyananisa naMwari”. Kuchenurwa kunorewei? Kunorewa kuwanikwa usina ndaa yawakapara.
Saka Mwari anokuona semunhu akasukwa naMweya Mutsvene. Anoera. Akachenurwa naMweya Mutsvene. Awa kuzikanwa ngezita raIshe Jesu. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yekutanga kuVakorinde chapta 6 v 11. Iwe wawa muna Muponesi Jesu. Soko reRuponeso rakakutsaura. Rikakudaidza. Ukachenurwa. Asi harinaba kugumira ipapo. Wakazoshandurwa rudzi. Ukaitwa munhu werudzi rwaMwari. Izvi ndizvo zvatawona muvhesi yatabeura nayo. Yati, “… aakaruramisa ndiwo aakashandura rudzi. Kuti afanane naye”. Hareruya!
Hupenyu hwako hwahweVamwari. Ishe Jesu ane masoko awakataura. Tinoaerenga muna Johane 17 v 22. Inoti, “Ndakaaita erudzi rwenyu. Sezvamakandiitavo werudzi rwenyu. Kuti afanane nesu”. Saka tichiri panyika pano hedu. Asi takafanana nawo pazvese. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba ya 1 Johane 4 v 17. Mwari Baba akuonekwa pauri. Anoonekwa pauri sekuonekwa kwaanoitwa pana Jesu.
Hino iwe ungaziya izvi. Chingazoita kuti urware chii? Ramba kuwa murombo. Ramba kuwa munhu asina simbaba. Ramba kuwa munhu asinaba chaanoziya. Gara uchitaura uchiti, “Ini ndiri munhu werudzi rwaMwari. Handisiba kuzorekera zvirwere zviri mumwiri mwangu. Muponesi anokudzwa mandiri. Anoonekwa pandiri”. Hareruya! Aya ndiwo anofanire kuwa mafungiro ako. Mwari akakurangarira. Ane hupenyu hwaakakurongera. Akakudaidza. Akakuchenura. Akakuite werudzi rwawo. Mwari ngaakudzwe saMwari.
Namata Uchiti
Baba akarurama. Ndinokutendai. Ndaa kuziya zvamakarongera hupenyu hwangu. Ndinorarame semunhu akarangarirwa nemi. Akadaidzwa. Akachenurwa. Akaitwa werudzi rweVamwari. Ndinorarama ndakashinga. Ndichiziya kuti hapanaba chingaparadza hupenyu hwamakandirongera. Ndinofamba munzira dzamakandirongera imi. Ndichiirarama seMumwari. Ndichirarama hupenyu chaihwo hwamakandirongera. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaEfeso 1:11; 2 Timotio 1:9; VaRoma 8:30 AMPC
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)