7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Ruponeso Runofanira Kuparidzihwa Nekukasira

Chipiri, 9 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Nokuti ndine basa. Ndiro randakatumiwa kuzoyita. Ndinofanira kuriita asiri masikati. Husuku husawuya. Hapanayi anenge asagona kuseyenza” (Johwani 9 ndima 4).

Nguva ipfuma. Ndiyo imwe yepfuma huru yauyinayo. Zvino une basa rawunofanira kuyita. Basa iri rinofanira kukasira kupera. Kureya kuti unofanira kuseyenzesa nguwa yako nehungwaru. Ishe Jesu vainzvisisa izvi. Ivo vaiyita basa raMwari. Vaitsvaga kuriyita asiri masikati. Kureya kuti vaikoshesa nguwa. Vasinzvisisawo kuti basa iri raiva nenguva yaraifanira kupera. Uye kuti nguva yacho yakanga iri pfupi.

Isu tichine mikana yekuparidzira Ruponeso. Asi mikana iyi pane payisapera. Mikova pane paisavhahwa. Ndiko kusaka usifanira kuparidzira Ruponeso nekukasira. Vhenekera nyika yako ikozvino. Ivhenekere nechiyedza chaMuponesi.

Usaverengera kuparidzira shoko reRuponeso. Amwe anhu vangazopfa vasina kurinzva. Anhu ava vangava vaunoseyenza navo. Vangava vavakidzani vako. Ingava shamwari yako. Anhu ava vangasazowana mumwe mukana wekunzva shoko reRuponeso iri. Iwe ndiwe chiyedza chavo. Pawuri ndipo pavanofanira kunangara Mwari. Ndiwe uripo kuvabvisa murima. Usivapinza murusungunuko hweanakomana aMwari. Ihwo rusungunuko hwuya hwakagadziriwa Amwari. Saka paridzira anhu ava. Hayikona kuaregera vasiyenda vasina Mwari. Kune anhu vanorarama vasinayi Mwari. Vanhu ava vane nhamo. Izvi ndizvo zvatinozivisiwa muna aEfeso yechipiri ndima yegumi nembiri. Inoti vanhu ava havanayi nangariro yehupenyu hudonaka. Vane nhamo. Vakangomirira kuparadziwa. Asi iweiwe ndiwe unogona kuvayamura. Ndiwe unogona kuvanunura.

Ino haizi nguva yekuita nungo. Inguva yekushanda nesimba. Inguva yekupedzisa kuparidzira Ruponeso munyika dzose. Denga riri kumhanya mhanya. Newevo unofanira kunge uri kumhanya mhanya. Hapasisina nguva yekutambisa. Munhu mubodzi nomubodzi adokosha. Saka tungamirihwa naMweya Uneyera . Ngavakutungamirire kugara usiparidzira Ruponeso nguwa dzose. Hauzi kuzoramba usiwana mikana yekuparidzira iyi.

Rangarira mashoko yaTenzi. Iwayo atayerenga mundima yatavhura nayo. Ivo vakati, “Nokuti ndine basa. Ndiro randakatumiwa kuzoyita. Ndinofanira kuriita asiri masikati. Husuku husauya. Hapanayi anenge asagona kuseyenza”. Husiku huri kuuya hahwo. Asi ikozvino ndisu tiri kupenya. Tisiparidzira Shoko raMwari. Tisitendewutsa atadzi. Tisiaunza kukururama. Muponesi vakafarira anhu. Izvi ndizvo zvinotituma kutendewutsa anhu. Iri rinotowa basa rakaisiwa mumanja yedu. Tinosungihwa kuparidzira Ruponeso. Tingatoparara kana tikasariparidzira. Goho remweya razara mudzinyika umo. Isu ndisu akohwi acho.

Pupura Usiti
Ndinonzvisisa kuti Ruponeso runofanira kukasira kuparidzihwa. Saka ndinoruparidzira nekukasira. Ndinokoshesa nguva yaMwari. Saka ndinoshandisa mikana yose kuparidzira Ruponeso. Kuvheneka. Ndisiwunza anhu kuna Mwari. Handizi kuzoyerengera. Handizi kuzonyarara. Hareruya!

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
2 aKorinde 6 ndima 2
aEfeso 5 ndima 15–16
aRoma 13 ndima 11–12