7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Seyenzesa Midziyo Yose

Chitatu, 10 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“... Saka ndinokwana muvanhu vose. Ndisitsvaga kuadhonza. Kuti amwe vavo vawuye kuruponeso " (1 aKorinde 9 ndima 22).

Nyika yasanduka. Taa kugona kunyayira neanhu vari kurefu. Tavawo kugona kunyayira kuanhu vadowanda chaizvo. Tava nemidziyo inotigonesa kuyita izvi. Iweiwe ungava neshungu dzekuunza vanhu kuna Mwari. Unofanira kuseyenzesa midziyo yose iyi. Usaiseyenzesa kungonakihwa sevamwe. Ishandise kusvitsa Ruponeso kuanhu.

Aya ndiwo ayiwa mafungiro yaPauro. Pane midziyo yaivapo panguva yakewo. Iye akaseyenzesa midziyo yose iyi. Akayiseyenzesa kusvitsa Ruponeso kuanhu. Shungu dzake dzaiva dzekuponesa anhu. Tine midziyo yatavawo nayo nhasi. Midziyo yacho dzingava nhare dzedu. Kana yekunyayira neanhu pamhepo. Tinofanira kuseyenzesa midziyo yose iyi. Midziyo iyi yava kugona kusvitsa dzinga rako kurefu. Saka iseyenzese kusvitsa shoko reRuponeso kuanhu.

Iwe ungaseyenzesa midziyo iyi kutuma mashoko kuanhu. Mashoko yacho ingangova ndima ibodzi. Kana chidimbu chemharidzo. Kana mashoko yaMweya Uneyera . Mashoko yose aya yadokosha. Usaanangara seyasina kukosha. Mwari vanozoashandisa kunyayira kuanhu ava. Tumira vanhu maRhapsody. Vatumire panhare dzavo. Svitsa Rhapsody iri kuanhu vese vanokuziya. Vangava vanokuziyira panhare. Vangava vanokuziyira pamhepo. Kana pamidziyo yemazuva yano. Mweya Uneyera vanozoyita kuti mashoko aya abate moyo yeanhu ava. Anozoibata nenzira yaungasanzvisisa iweiwe.

Atsvene vava pejo kuvhutiwa. Nguva yavo panyika yava pejo kupera. Saka tiri kupedzisa kuparidzira Ruponeso pasi rose. Shandisa mikana yose kuparidzira kudayi. Shandisawo midziyo yose iripo yaunopasiwa naMwari. Seyenzesa hunyanzvi hwako. Nyayira neanhu wose vaunoziya. Seyenzesa masimba yako yose. Uunze anhu kuna Mwari.

Pupura Usiti
Ndinoshandisa mikana yose kuparidza Ruponeso. Ndinoshandisa midziyo yose kuita basa iri. Ndidongwara. Ndine njere. Ndine hunyanzvi hwekusvitsa Ruponeso kuanhu. Saka ndiri kuyita kuti vakawanda vaponesewe zuva ribodzi noribodzi . Hareruya!

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 11 ndima 30
Mako 16 ndima 20
aKorose 4 ndima 5

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)