English
Manyika
Ndau
Ndebele
Shona
Tinowana Hupenyu MuZita Ravo
Chipiri, 10 Zvita 2024
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Jesu vane imwe minana yavakaita. Vakaiita vadzidzi vavo vachivona. Minana iyi yakawanda. Asi haina kunyorwa murugwaro runo. Tangonyora izvi chete. Kuti mugamuchire Jesu. Mubvume kuti ndivo Muponesi. Mwanakomana waMwari. Mugova nehupenyu. Ihwo hupenyu huya huri muzita ravo (Johane 20 ndima 30 kusvika 31).
Ishe Jesu ndivo Muponesi. Izvi ndizvo zvavakazivisa vanhu. Asi Vajudha havana kuzvigamuchira. Vakatovona sekuti Jesu vakanga vari kumhura Mwari. Vajudha ava vainzwisisa zvaireva kuti Muponesi. Kuti Muponesi zvaireva kuti Mwanakomana waMwari. Mwanakomana waMwari uyu akanga achitova Mwari pachake. NdiMwari akanga auya ari munhu wenyama. Vajudha ava vakanga vatombobvunza Jesu ava. Vakati, Ndiwe Muponesi Wacho here iwe? Jesu vakavapindura. Vakati, Hongu. Ndini. Vajudha vaya vakabva vadanidzira. Vachiti, unozviti uri Mwari. Iwe uri munhu wenyama. Tinoverenga mashoko avo aya muna Johane 10 ndima 33.
Saka Vajudha vainzwisisa zvakanga zvataurwa naJesu. Vaitoziva kuti Jesu vakanga vazviidza Mwari. Saka vakapokana nazvo chose. Asi Ishe Jesu vakanga vasiri kureva nhema. Ivo ndivo Muponesi wacho. Ndivo Mwanakomana waMwari. Munhu angavagamuchira. Munhu uyu anozowana hupenyu. Hareruya! Pane pandaisipota nemisha. Ndichiparidza Ruponeso. Ndaitanga ndazivisa vanhu chinangwa chedu. Ndaivazivisa kuti takanga tiri kutsvaka kuti vagamuchire kuti Jesu ndivo Muponesi. Kureva kuti ndivo Mwanakomana waMwari. Tichitsvakavo kuti vanhu ava vawane hupenyu muzita raJesu.
Ndaibva ndakokera vanhu ava kuzoponeswa. Vazhinji vaibva vagamuchira Jesu. Vachibva vawana hupenyu husingaperi. Vachibva vaitwa veropa raMwari. Izvozvo ndizvo zvakataura Jesu. Tinoverenga mashoko avo muna Johane 6 ndima 47. Inoti, Regai ndikuudzei chokwadi. Munhu anondigamuchira. Ndiye ane hupenyu husingaperi. Iwe ungagamuchira Jesu. Unenge watova nehupenyu husingaperi. Unenge watova weropa raMwari. Asi unofanira kugamuchira zvawava izvi. Pauro anotizivisa kuti tinozvigamuchira sei. Tinoverenga mashoko ake muna Varoma 6 ndima 11. Inoti, Ndiwo mavonero amunofanira kuzviitavo imi. Zvivi zvava kukuvonai sevanhu vakafa. Asi mava muna Muponesi Jesu. Ishe wedu. Saka Mwari vava kukuvonai sevapenyu.
Saka iwe ungagamuchira Jesu nhasi. Zvinenge zvichitoreva kuti zvivi zvava kukuvona sekuti wakafa. Asi Mwari ndivo vanenge vava kukuvona semupenyu. Unenge wava weropa raMwari. Ishe Jesu ndivo vakatiunzira shoko reRuponeso. Shoko iri ndiro rine hupenyu. Ndiro rakaita kuti zvigoneke kuti vanhu vasafa. Izvi ndizvo zvatinovona muna 2 Timoti 1 ndima 10. Iwe wakabviswa munzvimbo inofa zvinhu. Ukaiswa munzvimbo inorarama zvinhu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane 5 ndima 24. Inoti, Regai ndikuudzei chokwadi. Kana munhu akanzwa shoko rangu. Akagamuchira wakandituma. Munhu wakadai ane hupenyu husingaperi. Haasi kuzomiswa mberi kwedare. Anenge abuda murufu. Anenge ava muhupenyu.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa hupenyu husingaperi. Saka ndinorarama semunhu weropa reVamwari. Ndava Mumwari. Ndizere simba. Ndizere rudo. Ndinosvitsa simba renyu kuvanhu. Ndichikurira zvose zvandinosangana nazvo. Kururama kwenyu kuchivonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 6 ndima 47
1 Johane 5 ndima 11 kusvika 12
Johane 20 ndima 30 kusvika 31 NKJV
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church