7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Shandise Midziyo Yese
Chitatu, 10 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“... Saka ndinokwana muanhu ese. Ndichitsvake kuakweya. Kuti amweni awo auye kuruponeso " (1 Vakorinde 9 v 22).
Nyika yashanduka. Taa kukone kutaure neanhu ari kure. Tawawo kukona kutaura kuanhu akawanda he futi. Taa nemichini inotikonese kuita izvi. Iwe ungaa neshungu dzekuunze anhu kuna Mwari. Unofanire kushandisa michini yese iyi. Usaishandise kungonakirwa seamwe. Ishandise kusvitsa Ruponeso kuanhu.
Aya ndiwo aiya mafungiro aPauro. Pane midziyo yaiwapo panguwa yakewo. Iye akashandisa michini yese iyi. Akaishandisa kusvitsa Ruponeso kuanhu. Shungu dzake dzaiwa dzekuponese anhu. Tine michini yatawawo nayo namasi. Michini yacho dzingaa foni dzedu. Kana yekutaura neanhu pamhepo. Tinofanire kushandisa michini yese iyi. Michini iyi yaakukona kusvitse izwi rako kure. Saka ishandise kusvitsa soko reRuponeso kuanhu.
Iwe ungashandisa michini iyi kutume masoko kuanhu. Masoko acho ingangowa vhesi imwe basi. Kana chidimbu chemharidzo. Kana masoko aMweya Mutsvene. Masoko ese aya akakosha. Usaaona seasina kukoshaba. Mwari anozoashandise kutaure kuanhu aya. Tumire anhu maRhapsody. Atumire pafoni dzawo. Svitse Rhapsody iri kuanhu ese anokuziya. Angaa anokuziyira pafoni. Angaa anokuziyira pamhepo. Kana pamichini yemazuwa ano. Mweya Mutsvene anozoita kuti masoko aya abate moyo yeanhu aya. Anozoibata ngenzira yaungasazwisisa iwe.
Vatsvene apadhuze kubvutwa. Nguwa yawo panyika yaa padhuze kupera. Saka tiri kupedzise kuparidza Ruponeso pasi rese. Shandisa mikana yese kuparidza kudai. Shandisawo michini yese iripo yaunopuwa naMwari. Shandisa hushasha hwako. Taure neanhu ese aunoziya. Shandisa masimba ako ese. Uunze anhu kuna Mwari.
Pupura Uchiti
Ndinoshandisa mikana yese kuparidza Ruponeso. Ndinoshandisa michini yese kuita basa iri. Ndakangwara. Ndine njere. Ndine hunyanzvi hwekusvitsa Ruponeso kuanhu. Saka ndiri kuita kuti akawanda aponeswe zuwa rimwe nerimwe. Hareruya!
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Zvirevo 11:30; Marko 16:20; 1 VaKorinte 9:19-23
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)