7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Shingayira Kuponesa Anhu
Muvhuro, 15 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“… Endayi munoita mhindu nemari iyi. Ndisadzoka. Mozondipasa zvamunenge maseyenza” (Ruka 19 ndima 13).
Ishe Jesu ndivo vakanyayira mashoko yatavhura nawo ayo. Vane vanhu vavakanga vari kunyayira kwayari. Vayinyayira kuanhu ava pamusoro penyika yaMwari. Vayishandisa mifananidzo kutsanangura nyika iyi. Apa vakanga vari kutikurudzira kushingayira kuponesa anhu. Vakanga vari kutikurudzira kutora dzinyika. Kuunza adowanda munyika yavo. Nekushandisa shoko reRuponeso kusandura dzinyika. Tisiyita izvi kusvika ivo vadzoka.
Shoko reRuponeso rakaisiwa mumanja yako. Izvi zvinoreya kuti une basa. Basa racho iguru fani . Izvi ndizvo zvatinonangara mutsamba yaPauro kuna Timoti chitsauko chekutanga ndima yegumi neyibodzi. Ineti, “Dzisingawirirani neshoko reruponeso hwaMwari vakaropafadziwa. Iro rakaisiwa mumanja yangu”. Saka paridzira shoko reRuponeso. Kune anhu vasati varinzva. Pasiine nzvimbo dzatisiri kufanira kusvika. Pasiri neanhu vanofanira kuponesewa. Saka sirega kungogara. Sirega kuvarayihwa.
Rarama semunhu akamirira kudzoka kwaTenzi. Mako yegumi nenhatu ndima yemakumi matatu neshanu kusvika makumi matatu neyinomwe ineti, “Saka imi garai makarindira. Muridzi weyimba asadzoka. Asi hamuzivi musi waanodzoka. Angauya zuva risangodoka. Angawuya pakati pehusiku. Angauya kwaa kunochena. Angawuya yari mangwanani. Nokuti asangoyerekana awuya. Angazokuwanai makayenzera. …”. Tenzi vari kudzoka. Ngavasawana wakayenzera. Ngavasawana pasinayi chawuri kuyita. Ngavakuwane usishanda.
Ivo vakanyayira momuye muna Johwani yepfumbamwe ndima yechina vasiti, “Nokuti ndine basa. Ndiro randakatumiwa kuzoyita. Ndinofanira kuriyita asiri masikati. Husuku husawuya. Hapanayi yanenge yasagona kuseyenza”. Saka ivo Jesu vayishingayira. Vasiseyenza mabasa yavo. Izvi ndizvo zvatinofanirawo kuyita isu. Tinofanira kunge tiri kushingayira. Tisitendewutsa anhu. Iva muranda uya akatendeka. Iyeye anogara asishingayira. Asitendewutsira anhu kuruponeso. Iweiwe uri chapupu. Ndiwe unopupurira kumuka kwaMuponesi. Wakatoshongedzehwa kuyita basa iri.
Mabasa Yaapositori yekutanga ndima yechisere ineti, “Asi musawana simba. Musariwana kana Mweya Uneyera vauya pamusoro penyu. Musawa zvapupu zvangu. Mendipupurira muJerusarema. MuJudhiya rose. MuSamariya. Kusvikira kumigumo yenyika”. Iweiwe ungava uri kusvitsa shoko reRuponeso kuanhu. Mweya Uneyera ndivo vanozokupasa simba racho. Ndivo vanozokupa mazano. Ndivo vanozokushingisa. Vasikutungamirira.
Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Makayisa shoko reRuponeso mumanja yangu. Mukandipasa Mweya wenyu. Mweya ava ndivo vanondipasa simba rekupupurira Muponesi. Ndinoseyenzesa mazano yeAmwari pakurarama kwangu. Ndinoshanda nekukurumbidza. Ndisitora dzinyika. Ndisisandura hupenyu hweanhu. Ndisishingayira kuunza anhu kunyika yenyu. Muzita raJesu. Ameni.
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 1 ndima 16
2 Timoti 4 ndima 5
Zvirevo 11 ndima 30
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)