7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Hupenyu Hwako Ndiyo Mharidzo Yako Huru

Chipiri, 16 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Kuti pasawana yanokupasayi mhosva. Musasvibisiwa nenyika yino. Asi muve vanakomana vaMwari. Vasina tsvina. Kunyange zvenyu muri pakati peanhu vasinayi kururama. Vane nzeru dzakanyangadziwa. Vamunogara pakati pavo musipenya sezviyedza. Muri munyika yino (aFiripi 2 ndima 15)

Isu tingapota zvedu tisimira kumberi kweanhu. Tisiaparidzira Ruponeso. Asi iyi haizi iyo nzira yegani yatinovaparidzira nayo. Mararamiro yedu anoparidzawo. Ndiwo yanotoparidzira zvinonyanya kunzvikiwa neanhu. Saka mararamiro yako yanofanira kuunza anhu kuna Muponesi. Manyayiriro yako yanofanira kuwunza anhu kuna Muponesi. Kufambidzana kwaunoita neanhu kunofanira kuunza anhu kuna Muponesi. Izvozvo ndizvo zvinoshuviwa naMwari. Ivo vanonyayira muna Isaya yemakumi matanhatu ndima yechitatu vasiti, “Ndudzi dzisawuya kuchiyedza chako, kamupekare madzimambo kukubwinya kwamambakwedza yako”.

Ishe vadonyayira zvekare muna Matiyo yechishanu ndima yegumi netanhatu. Vakati, “Saizvozvowo chiyedza chenyu ngachivhenekere pamberi paanhu. Kuti vanangare mabasa yenyu adonaka. Kuti vakudze Baba venyu vari kudenga. Nokuziya kuti Baba ava. Ndivo Mwari”. Iweiwe unofanira kuva tsamba. Vanhu vanofanira kuverenga shoko raMwari pahupenyu hwako. Izvi ndizvo zvakarongewa naMwari. Vanoda kuti vanhu vanangare kururama kwavo pawuri. Vanoda kuti vanhu vanangare nyasha dzavo pawuri. Vanoda kuti vanhu vanangare simba ravo pawuri. Munyika muno muzere kunyengera. Vanhu vakavhiringika. Asi iweiwe unofanira kurarama hupenyu hweAmwari. Unofanira kurarama semunhu anocha Mwari. Izvozvo zvinozoparidza kuanhu.

Vanhu vari kukunangara. Shamwari dzako, mhuri yako iri kukunangara . Vaunoseyenza navo vakakunangara. Kunyange vasingakuziyi vari kukunangara. Vanhu vose ava vane zvavanotodzidza pahupenyu hwako. Vanogona zvavo kunge vasati vakamboverenga Bhaibheri. Asi vanotoverenga hupenyu hwako. Vasinangara Muponesi pawuri. Vasinangara kunaka kwaMuponesi. Vasinangara kutendeka kwavo. Rudo hwavo. Nehanya dzavo. Iwe ndiwe wakamiririra nyika yaMwari. Rarama semunhu anonzvisisa izvi.

Saka hupenyu hwako hunofanira kuwirirana noshoko rawunoparidzira. Ndiko kuti ugone kuponesa anhu vadowanda. Farira anhu. Shandisa Shoko raMwari pakurarama kwako. Zvininipise. Muponesi ngavanangahwe mumeso yako. Ngavanzvikiwe mumashoko yako. Ungabata anhu. Vanhu ava ngavanzve sekuti vabatiwa naMuponesi. Shoko reRuponeso ngarinangahwe muhupenyu hwako. Izvi ndizvo zvatinonangara muna aFiripi yekutanga ndima yemakumi mayiri nenomwe.

Namata Usiti
Ishe vandineda. Ndinokutendayi. Makandiita tsamba. Anhu vanoyerenga nyasha dzenyu pandiri. Ndinonangahwa kuti ndiri munhu werudzi hwenyu. Saka vanondinangara vanokurudzihwawo kukuteyerayi. Ndiri mwenje unovhenekera. Ndinovhenekera munyika yangu. Ndisiwunza arume neakadzi kukururama. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Matiyo 5 ndima 16
2 aKorinde 3 ndima 2–3
Tito 2 ndima 7–8

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)