7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Hupenyu Hwako Ndiyo Mharidzo Yako Huru
Chipiri, 16 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Kuti pasaonaba anokupai ndaa. Musasvibiswabahe ngenyika ino. Asi muwe anakomana aMwari. Asina tsvinaba. Kunyangwe henyu muri pakati peanhu asina kururama. Ane pfungwa dzakashatiswa. Amunogara pakati pawo muchipenya sezviedza. Muri munyika ino” (Vafiripi 2 v 15)
Isu tingapota hedu tichimira mberi kweanhu. Tichiaparidzira Ruponeso. Asi iyi haisiyoba nzira yega yatinoaparidzira nayo. Mararamiro edu anoparidzawo. Ndiwo anotoparidza zvinonyanya kuzwikwa ngeanhu. Saka mararamiro ako anofanire kuunze anhu kuna Muponesi. Matauriro ako anofanire kuunza kuna Muponesi. Kufambidzana kwaunoita neanhu kunofanire kuunza anhu kuna Muponesi. Izvozvo ndizvo zvinoshuwiwa naMwari. Iwo anotaura muna Isaya 60 v 3 achiti, “Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, futi madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako”.
Ishe akataurahe muna Matiyo 5 v 16. Akati, “Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi paanhu. Kuti awone mabasa enyu akanaka. Azokudza Baba enyu ari kudenga. Nekuziya kuti Baba aya. Ndiwo Mwari”. Iwe unofanira kuwa tsamba. Anhu anofanira kuerenga soko raMwari pahupenyu hwako. Izvi ndizvo zvakarongwa naMwari. Anoda kuti anhu awone kururama kwawo pauri. Anoda kuti anhu awone nyasha dzawo pauri. Anoda kuti anhu awone simba rawo pauri. Munyika muno muzare kunyengedza. Anhu akavhiringika. Asi iwe unofanire kurarama hupenyu hweVamwari. Unofanire kurarama semunhu anotya Mwari. Izvozvo zvinozoparidza kuanhu.
Anhu ari kukuona. Shamwari dzako dziri kukuona. Mhuri yako iri kukuona. Aunoshanda nawo akakutarisa. Kunyangwe asingakuziyiba ari kukuona. Anhu ese aya ane zvaanotofunda pahupenyu hwako. Anokona hawo kunge asati akamboerenga Bhaibheriba. Asi anotoerenga hupenyu hwako. Achiona Muponesi pauri. Achiona kunaka kwaMuponesi. Achiona kutendeka kwawo. Rudo rwawo. Nehanya dzawo. Iwe ndiwe wakamiririra nyika yaMwari. Rarama semunhu anozwisisa izvi.
Saka hupenyu hwako hunofanire kuwirirana nesoko raunoparidza. Ndiko kuti ukone kuponese anhu akawanda. Farire anhu. Shandise Soko raMwari pakurarama kwako. Zvininipise. Muponesi ngaaonekwe mumadziso ako. Ngaazwikwe mumasoko ako. Ungabate anhu. Anhu aya ngaanzwe sekuti abatwa naMuponesi. Soko reRuponeso ngarionekwe muhupenyu hwako. Izvi ndizvo zvatinoona muna Vafiripi 1 v 27.
Namata Uchiti
Ishe vandinoda. Ndinokutendai. Makandiita tsamba. Vanhu vanoverenga nyasha dzenyu pandiri. Ndinovonekwa kuti ndiri munhu werudzi rwenyu. Saka vanondivona vanokurudzirwavo kukuteverai. Ndiri mwenje unovhenekera. Ndinovhenekera munyika yangu. Ndichiunza varume nevakadzi kukururama. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaFiripi 1:27 NKJV; VaFiripi 2:14-16 NLT; Tito 2:7-8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)