7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Zvinoyita Nzeru Dzidovandudziwa

Svondo, 21 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Hayikonayi kufanana nenyika yino. Asi vandudzayi mafungiro yenyu. Kuti musanduke. Mugone kuziya zvinodiwa naMwari chaizvo. Zvavanogamuchira. Zvidokwana” (aRoma 12 ndima 2).

Mwari vaneda kuti usanduke. Vaneda kuti utonge zvinhu zvenyika yino. Asi nzeru dzako dzinofanira kuvandudziwa. Ndiko kuti ugone kutonga kudayi. Nzeru dzako dzinofanira kuwirirana nedzavo. Ndiko kuti zvinonyayira Shoko raMwari zviyitike muhupenyu hwako. Kureya kuti kuvandudziwa kwenzeru kudokosha. Ndiyo nzira yegani Mwari vanegona kusandura hupenyu hwako. Nzeru dzingava dzidovandudziwa. Nzeru dzidodayi dzinegona kutungamirihwa noShoko raMwari. Saka dzinoyita zvinhu nemazvo.

Kuvandudza nzeru kudepusa fani. Unoseyenzesa Shoko raMwari kudzivandudza. Unongobvisa mazano yako munzeru dzako idzi. Usiyisa mazano yaMwari. Unongogara nzeru dzako dziri paShoko raMwari. Usigara usizeya shoko iri mumoyo mako. Izvi ndizvo zvatinonangara muna Isaya yemakumi mayiri netanhatu ndima yetatu. Ineti, “Munhu anoramba nzeru dzake dzakati kwati kwati nemi, munomuchengeta yari murugare chaihwo nekuti anovimba nemi”. Saka nzeru dzingava dzakavandudziwa. Nzeru dzidedayi dzinowunza rugare. Rugare hwacho hunouya nepfuma. Izvozvo ndizvo zvatinonangara mundima iyi.

Nzeru dzakavandudziwa dzinongofunga Shoko raMwari chete. Izvi ndizvo zvatinokurudzihwa muna aFiripi yechina ndima yechisere. Ineti, “Pakupedzisira hama dzangu. Nzeru dzenyu ngadzigare dziri pazvinhu zvechokwadi. Zvidorurama. Zvinonakira vese. Zvisinayi chitadzo.Zvinefadza. Zvine guhu ridonaka. Zvidonaka. Zvinorumbidziwa. Zvinhu zvakadai ndizvo zvinefanira kugara zviri munzeru dzenyu”. Aya ndiwo mafungiro yawunofanira kuyita. Unozopedzisira wava kufunga semunhu adorurama. Usizvinangara usikunda nguva dzose. Usizvinangara usibudirira pane zvose zvawunoyita. Usipfuma. Usiyita zvinhu zvose nomazvo.

Ndiko kusaka Mwari vasitsvaga kusandura mafungiro yako. Saka ungava uri kuzeya Shoko raMwari mumoyo mako. Shoko iri rinenge riri kusandura mafungiro yako. Risisandura manangariro yawunoyita zvinhu. Risiyita kuti unangare zvinhu nenzira kwayo. Saka gara usitutira Shoko raMwari munzeru dzako. Nzeru dzako ngadzisangozara mazano yenyika yino. Hayikona kunangara zvinhu nenzira yazvinenangahwa neanhu enyika yino. Zvinangare sekutsanangurihwa kwazvinoyitiwa neShoko raMwari.

Nzeru dzako dzingawa dzakavandudziwa. Hapanayi chaunozocha. Unozogona kuvimba naMwari. Usibva washinga. Unozonyayira saMwari. Unozofunga saMwari. Usiyita zvinhu zvako nenzira yazvinoitiwa nayo naMwari. Unozoseyenzesa mazano yaMwari kuronga zvinhu zvako. Wusizvironga semunhu anotonga. Iwe wakashanduka rudzi. Wava chipuka chitsva. Nzeru dzako ngadzigare dzisirangarira izvi. Funga saJesu. Zvinangare semunhu anogona kuyita zvinhu zvose.Nangarira kuti zvinhu zvako zvinotekayira zvidonaka. Funga zvinowirirana noShoko raMwari. Hupenyu hwako hunozonaka. Hunozova hweAmwari. Hareruya!

Namata Usiti
Baba vandinoda. Ndinokutendayi. Shoko renyu rinovandudza nzeru dzangu. Rinosandura hupenyu hwangu. Ndinoramba nzeru dzinopesana neShoko renyu. Ndinongozvinangara ndisigona kuyita zvinhu zvose. Ndinozvinangara semunhu anotonga. Anogona kuyita zvinhu nomazvo. Asitekayira muchiyedza cheShoko renyu. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
2 aKorinde 10 ndima 4–5
aKorose 3 ndima 10
aFiripi 4 ndima 8

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)