7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Zvinoita Pfungwa Dzakavandudzwa
Svondo, 21 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Musafanana nenyika ino. Asi vandudzai mafungiro enyu. Kuti mugoshanduka. Mugone kuziva zvinodiwa naMwari chaizvo. Zvavanogamuchira. Zvakakwana” (Varoma 12 ndima 2).
Mwari vanoda kuti ushanduke. Vanoda kuti utonge zvinhu zvenyika ino. Asi pfungwa dzako dzinofanira kuvandudzwa. Ndiko kuti ugotonga kudai. Pfungwa dzako dzinofanira kuwirirana nedzavo. Ndiko kuti zvinotaura Shoko raMwari zviitike muhupenyu hwako. Kureva kuti kuvandudzwa kwepfungwa kwakakosha. Ndiyo nzira yoga Mwari vanogona kushandura hupenyu hwako. Pfungwa dzingava dzakavandudzwa. Pfungwa dzakadai dzinogona kutungamirirwa neShoko raMwari. Saka dzinoita zvinhu nomazvo.
Kuvandudza pfungwa kuri nyore. Unoshandisa Shoko raMwari kudzivandudza. Unongobvisa mazano ako mupfungwa dzako idzi. Uchiisa mazano aMwari. Unongogara pfungwa dzako dziri paShoko raMwari. Uchigara uchidzeya shoko iri mumoyo mako. Izvi ndizvo zvatinovona muna Isaya yemakumi maviri netanhatu ndima yetatu. Inoti, “Munhu anoramba pfungwa dzake dzakati kwati kwati nemi, munomuchengeta ari murugare chairwo nokuti anovimba nemi”. Saka pfungwa dzingava dzakavandudzwa. Pfungwa dzakadai dzinounza rugare. Rugare rwacho runouya nefuma. Izvozvo ndizvo zvatinovona mundima iyi.
Pfungwa dzakavandudzwa dzinongofunga Shoko raMwari chete. Izvi ndizvo zvatinokurudzirwa muna Vafiripi yechina ndima yesere. Inoti, “Pakupedzisira hama dzangu. Pfungwa dzenyu ngadzigare dziri pazvinhu zvechokwadi. Zvakarurama. Zvinonakira vose. Zvisina chitema. Zvinofadza. Zvine guhu rakanaka. Zvakanaka. Zvinorumbidzwa. Zvinhu zvakadai ndizvo zvinofanira kugara zviri mupfungwa dzenyu”. Aya ndiwo mafungiro aunofanira kuita. Unozopedzisira wava kufunga semunhu akarurama. Uchizvivona uchikunda nguva dzose. Uchizvivona uchibudirira pane zvose zvaunoita. Uchifuma. Uchiita zvinhu zvose nomazvo.
Ndiko kusaka Mwari vachitsvaka kushandura mafungiro ako. Saka ungava uri kudzeya Shoko raMwari mumoyo mako. Shoko iri rinenge riri kushandura mafungiro ako. Richishandura mavonero aunoita zvinhu. Richiita kuti uvone zvinhu nenzira kwayo. Saka gara uchitutira Shoko raMwari mupfungwa dzako. Pfungwa dzako ngadzisangozara mazano enyika ino. Usavona zvinhu nenzira yazvinovonekwa nevanhu venyika ino. Zvivone sekutsanangurwa kwazvinoitwa neShoko raMwari.
Pfungwa dzako dzingava dzakavandudzwa. Hapana chaunozotya. Unozogona kuvimba naMwari. Uchibva washinga. Unozotaura saMwari. Unozofunga saMwari. Uchiita zvinhu zvako nenzira yazvinoitwa nayo naMwari. Unozoshandisa mazano aMwari kuronga zvinhu zvako. Uchizvironga semunhu anotonga. Iwe wakashanduka rudzi. Wava chipuka chitsva. Pfungwa dzako ngadzigare dzichirangarira izvi. Funga saJesu. Zvivone semunhu anogona kuita zvinhu zvose. Tarisira kuti zvinhu zvako zvinofamba zvakanaka. Funga zvinowirirana neShoko raMwari. Hupenyu hwako hunozonaka. Hunozova hweVamwari. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rinovandudza pfungwa dzangu. Rinoshandura hupenyu hwangu. Ndinoramba pfungwa dzinopesana neShoko renyu. Ndinongozvivona ndichigona kuita zvinhu zvose. Ndinozvivona semunhu anotonga. Anogona kuita zvinhu nomazvo. Achifamba muchiedza cheShoko renyu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Joshua 1:8; VaKorose 3:16; VaFiripi 4:8 NKJV
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)