7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Hupenyu HweAmwari
Muvhuro, 22 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Vakaita gore rose vari paAndiyoki apa. Vasidzidzisa anhu. Anhu ava vakanga adewanda. Adzidzi vakabva vapasiwa zita rekuti Akiristu” (Mabasa Yaapositori 11 ndima 26).
Chikristu hayizi imwe yenzira dzekunamata nadzo Mwari. Ini ndinogara ndisinyayira izvi. Asi kune vanonetseka kuzvinzvisisa. Asi iweiwe unofanira kunyatsa kunzvisisa dzidziso dzeChikiristu. Unozonzvisisa kuti Chikiristu haizi imwe yenzira dzekunamata nadzo. Iweiwe una baba vepanyika pano. Une hukama nababa ava. Hukama uhu hawuzi nzira yekunamata nayo.
Izvi ndizvo zvakaitawo Chikiristu. Chikiristu hukama hwaMwari neana avo. Hukama uhu hahunayi kugara huripo. Hwakazovapo padewuya Jesu. Isu takanga tisingowa anamati. Asi Jesu vadowuya kuzotipasa hukama naBaba vekudenga. Vakabva vatiyita ana aMwari chaivo. Ivo vana vekubereka. Saka tava vemhuri yaMwari.
aEfeso yechitatu ndima yegumi neina kusvika gumi neshanu inotsanangura mhuri iyi. Inoti dzimwe nhengo dzayo dziri kudenga. Dzimwe dziri panyika pano. Izvi zvinozokubatsirawo kunzvisisa basa rakayitiwa naIshe Jesu. Iro basa riya ravakayita kutiponesa. Ivo ndivo Ishe vedu. Ndivo vanotonga hupenyu hwedu. Ndivo Muponesi wedu zvakare. Vari zvekare mukoma wedu. Tinovona izvi mumashoko yavo. Vakanyayira mashoko aya pavakamuka kuadopfa. Apa vakanga vasati vakwira kudenga. Mariya akavanangara. Akabva avamhanyira. Akanga asida kunoambundikira. Asi Jesu vakamurambidza. Tinoyerenga mashoko yavo muna Johwani yemakumi mayiri ndima yegumi nenomwe. Ineti, “… Hayikona kundibata! Handisati ndakwira kuna Baba vangu. Asi iweiwe enda kuanin’ina angu. Uvatawudze kuti ndisambokwira kuna Baba vangu. Vanova Baba venyuvo imimi. Ivo Mwari wangu. Vanova Mwari venyuwo imimi”.
Jesu vanonyayira nezve vanin’ina vavo mundima iyi. Apa vakanga vari kunyayira adzidzi avo. Hukama hwavo naMwari Baba hwakanga hwayingidzira kusimba apa. Jesu vakanga vambovayita aranda. Apa vakanga vasati vamuka kuadopfa. Vakatozombovaseyedza kuti shamwari dzavo. Izvi ndizvo zvatinonangara momuye muna Johwani yegumi neshanu ndima yegumi nechishanu. Ineti, “Hamusisiri aranda angu. Mava shamwari dzangu. … Ndakakutawudzayi zvinhu zvose. Izvo zvandakanzva kuna Baba vangu”. Ishe Jesu vakazomuka kuadopfa. Ndipo pavakanga vava kuvati anin’ina.
Chikiristu chidotanga mushure mekumuka kwaJesu kuadopfa. Apa ndipo pavakatiseyedza kuti anin’ina vavo. Kureya kuti taa nhengo dzemhuri yavo. Ivo vakatiyita verudzi hwavo. Kureya kuti taa Vamwari. AHebheru yechipiri ndima yegumi neibodzi inesimbisawo izvi. Ndima iyi ineti, “Kuti iye anoruramisa. Naiye anoruramisiwa. Vave verudzi rubodzi. Chinova chikonzero vasinganyare kuatora seanin’ina avo”.
Izvi zvinofadza fani. Jesu vanoyera fani. Atsvene chose. Adorurama. Ndeve rudzi
HweAmwari. Asi havanyare kutiseyedza kuti anin’ina avo. Kureya kuti taa mhuri ibodzi navo. Vakatipasa hukama naBaba vedu vekudenga. Hukama hwacho hunoshamisa fani. Ndiho hwawunofanira kupemberera. Usirupemberera pawunenge wuri kupemberera kuzvahwa kwaMuponesi. Unohupemberera nekuronga mavhuserere. Unohupemberera nekuparidzira kuanhu. Usiwunza adowanda mumhuri yedu iyi. Usiyita kuti vavevo nehukama naMwari.
Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Mudondipasa hukama nemi. Hukama hwacho ndehweAmwari. Hudodzama. Hukama hunobva pakundifarira kwamunoyita. Ndaa nhengo yemhuri yaMwari. Ndaa werudzi hwaMuponesi. Ndaa muridzi wenyika yaMwari. Ndava kurarama seMumwari. Ndinofarira anhu. Ndinotonga zvinhu zvenyika yino. Ndinorarama mukururama. Ndinokutendayi. Makandiyita wenyu. Mava kundiseyenzesa pamabasa yenyu yekudenga. Muzita raJesu. Ameni.
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Johwani 1 ndima 12
1 Johwani 3 ndima 1
aRoma 8 ndima 16
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)