7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Hupenyu HweVamwari

Muvhuro, 22 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“akaite gore rese ari paAndiyoki apa. Achifundisa anhu. Anhu aya akanga akawanda. Adzidzi akabva apuwa zita rekuti Vakristu” (Mabasa 11 v 26).

Chikristu haisi imweni yenzira dzekunamata nadzo Mwari. Ini ndinogare ndichitaura izvi. Asi kune anonetseka kuzvizwisisa. Asi iwe unofanire kunatsa kuzwisisa dzidziso dzeChikristu. Unozozwisisa kuti Chikristu haisi imweniba yenzira dzekunamata nadzo. Iwe una baba epanyika pano. Une hukama nababa aya. Hukama uhu haisi nzira yekunamata nayo.

Izvi ndizvo zvakaitawo Chikristu. Chikristu hukama hwaMwari neana awo. Hukama uhu hahunaba kugara huripo. Hwakazowapo pakauya Jesu. Isu takanga tichingowa anamati. Asi Jesu akauya kuzotipa hukama naBaba ekudenga. Akabva atiita ana aMwari chaiwo. Iwo ana ekubereka. Saka taa emhuri yaMwari.

Vaefeso 3 v 14 kusvika 15 inotsanangura mhuri iyi. Inoti dzimwe nhengo dzayo dziri kudenga. Dzimweni dziri panyika pano. Izvi zvinozokubatsirawo kuzwisisa basa rakaitwa naIshe Jesu. Iro basa riya raakaita kutiponesa. Iwo ndiwo Ishe vedu. Ndiwo anotonga hupenyu hwedu. Ndiwo Muponesi weduhe. Arihe mukoma wedu. Tinoona izvi mumasoko awo. Akataura masoko aya paakamuka kuakafa. Apa akanga asatiba akwire kudenga. Mariya akaaona. Akabva aamhanyira. Akanga achida kunoambundikira. Asi Jesu akamurambidza. Tinoerenga masoko awo muna Johane 20 v 17. Inoti, “… Usandibataba! Handisatiba ndakwira kuna Baba angu. Asi iwe enda kuanun’una angu. Uaudze kuti ndichambokwira kuna Baba angu. Anowa Baba enyuwo imi. Iwo Mwari wangu. Anowa Mwari enyuwo imi”.

Jesu anotaura nezve anun’una awo muvhesi iyi. Apa akanga ari kutaura adzidzi awo. Hukama hwawo naMwari Baba hwakanga hwatutsira kusimba apa. Jesu akanga ambovaidza aranda. Apa akanga asatiba amuka kuakafa. Akatozomboaidza shamwari dzawo. Izvi ndizvo zvatinoona muna Johane 15 v 15. Inoti, “Hamuchisiriba aranda angu. Maa shamwari dzangu. … Ndakakuudzai zviro zvese. Izvo zvandakazwa kuna Baba angu”. Ishe Jesu akazomuka kuakafa. Ndipo paakanga awa kuaraidza anun’una.

Chikristu chakatanga mushure mekumuka kwaJesu kuakafa. Apa ndipo paakatiidza anun’una awo. Kurewa kuti taa nhengo dzemhuri yawo. Iwo akatiita erudzi rwawo. Kurewa kuti taa Vamwari. Vahebheru 2 v 11 inosimbisawo izvi. Vhesi iyi inoti, “Kuti iye anoruramisa. Naiye anoruramiswa. Awe werudzi rumwe basi. Chinowa chikonzero asingatsverukiba kuatora seanun’una awo”.

Izvi zvinofadza maningi. Jesu anoera maningi. Vatsvene maningi. akarurama. Ndee rudzi rweVamwari. Asi haatsverukiba kutiite anun’una awo. Kurewa kuti taa mhuri imwe chete nawo. Akatipe hukama naBaba edu ekudenga. Hukama hwacho hunoshamisa maningi. Ndihwo hwaunofanire kupemberera. Uchirupemberera paunenge uri kupemberera kubarwa kwaMuponesi. Unohupemberera nekuronga mavhuserere. Unohupemberera nekuparidza kuanhu. Uchiunze akawanda mumhuri yedu iyi. Uchiita kuti awewo nehukama naMwari.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipa hukama nemi. Hukama hwacho ndehweVamwari. Hwakadzama. Hukama hunobva pakundifarira kwamunoita. Ndaa nhengo yemhuri yaMwari. Ndaa werudzi rwaMuponesi. Ndaa muridzi wenyika yaMwari. Ndaa kurarama seMumwari. Ndinofarira anhu. Ndinotonga zviro zvenyika ino. Ndinorarama mukururama. Ndinokutendai. Makandiita wenyu. Maa kundishandisa pamabasa enyu ekudenga. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Johane 1:12; 1 Johane 3:1-2; VaRoma 8:16-17 NKJV


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)