7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Hupenyu HweVamwari

Muvhuro, 22 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Vakaita gore rose vari paAndiyoki apa. Vachidzidzisa vanhu. Vanhu ava vakanga vakawanda. Vadzidzi vakabva vapiwa zita rekuti Vakristu” (Mabasa 11 ndima 26).

Chikristu haisi imwe yenzira dzekunamata nadzo Mwari. Ini ndinogara ndichitaura izvi. Asi kune vanonetseka kuzvinzwisisa. Asi iwe unofanira kunatsa kunzwisisa dzidziso dzeChikristu. Unozonzwisisa kuti Chikristu haisi imwe yenzira dzekunamata nadzo. Iwe una baba vepanyika pano. Une hukama nababa ava. Hukama uhu haisi nzira yekunamata nayo.

Izvi ndizvo zvakaitavo Chikristu. Chikristu hukama hwaMwari nevana vavo. Hukama uhu hahuna kugara huripo. Hwakazovapo pakauya Jesu. Isu takanga tichingova vanamati. Asi Jesu vakauya kuzotipa hukama naBaba vekudenga. Vakabva vatiita vana vaMwari chaivo. Ivo vana vekubereka. Saka tava vemhuri yaMwari.

Vaefeso yetatu ndima yegumi nena kusvika gumi neshanu inotsanangura mhuri iyi. Inoti dzimwe nhengo dzayo dziri kudenga. Dzimwe dziri panyika pano. Izvi zvinozokubatsiravo kunzwisisa basa rakaitwa naIshe Jesu. Iro basa riya ravakaita kutiponesa. Ivo ndivo Ishe vedu. Ndivo vanotonga hupenyu hwedu. Ndivo Muponesi wedu zvekare. Vari zvekare mukoma wedu. Tinovona izvi mumashoko avo. Vakataura mashoko aya pavakamuka kuvakafa. Apa vakanga vasati vakwira kudenga. Mariya akavavona. Akabva avamhanyira. Akanga achida kunovambundikira. Asi Jesu vakamurambidza. Tinoverenga mashoko avo muna Johane yemakumi maviri ndima yegumi nenomwe. Inoti, “… Usandibata! Handisati ndakwira kuna Baba vangu. Asi iwe enda kuvanun’una vangu. Uvaudze kuti ndichambokwira kuna Baba vangu. Vanova Baba venyuvo imi. Ivo Mwari wangu. Vanova Mwari venyuvo imi”.

Jesu vanotaura nezve vanun’una vavo mundima iyi. Apa vakanga vari kutaura vadzidzi vavo. Hukama hwavo naMwari Baba hwakanga hwawedzera kusimba apa. Jesu vakanga vambovaidza varanda. Apa vakanga vasati vamuka kuvakafa. Vakatozombovaidza shamwari dzavo. Izvi ndizvo zvatinovona muna Johane yegumi neshanu ndima yegumi neshanu. Inoti, “Hamuchisiri varanda vangu. Mava shamwari dzangu. … Ndakakuudzai zvinhu zvose. Izvo zvandakanzwa kuna Baba vangu”. Ishe Jesu vakazomuka kuvakafa. Ndipo pavakanga vava kuvaidza vanun’una.

Chikristu chakatanga mushure mekumuka kwaJesu kuvakafa. Apa ndipo pavakatiidza vanun’una vavo. Kureva kuti tava nhengo dzemhuri yavo. Ivo vakatiita verudzi rwavo. Kureva kuti tava Vamwari. Vahebheru yepiri ndima yegumi neimwe inosimbisavo izvi. Ndima iyi inoti, “Kuti iye anoruramisa. Naiye anoruramiswa. Vave verudzi rumwe chete. Chinova chikonzero vasinganyari kuvatora sevanun’una vavo”.

Izvi zvinofadza chose. Jesu vanoera chose. Vatsvene chose. Vakarurama. Ndeve rudzi rweVamwari. Asi havanyari kutiidza vanun’una vavo. Kureva kuti tava mhuri imwe chete navo. Vakatipa hukama naBaba vedu vekudenga. Hukama hwacho hunoshamisa zvikuru. Ndihwo hwaunofanira kupemberera. Uchirupemberera paunenge uri kupemberera kuzvarwa kwaMuponesi. Unohupemberera nekuronga mavhuserere. Unohupemberera nekuparidza kuvanhu. Uchiunza vakawanda mumhuri yedu iyi. Uchiita kuti vavevo nehukama naMwari.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa hukama nemi. Hukama hwacho ndehweVamwari. Hwakadzama. Hukama hunobva pakundifarira kwamunoita. Ndava nhengo yemhuri yaMwari. Ndava werudzi rwaMuponesi. Ndava muridzi wenyika yaMwari. Ndava kurarama seMumwari. Ndinofarira vanhu. Ndinotonga zvinhu zvenyika ino. Ndinorarama mukururama. Ndinokutendai. Makandiita wenyu. Mava kundishandisa pamabasa enyu ekudenga. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 1:12; 1 Johane 3:1-2; VaRoma 8:16-17 NKJV

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)