7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Zvinhu Zvitatu Zvatidowunzihwa NaJesu
Chipiri, 23 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Nokuti kana nokutadza kwemunhu mubodzi chete. Rupfu hudotonga muzita remunhu uyu. Mubodzi iyeye. Akanga atadza wacho. Vaya vakatora nyasha dzidowanda. Vakapihwa chipo chekururama. Chisingabhadhahwi. Vasatongawo muhupenyu huno. Vachiseyenzesa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi” (aRoma 5 ndima 17).
Ishe Jesu vane zvinhu zvavakatiunzira. Zvinhu zvacho zvitatu. Zvidokosha fani. Mutsvene mubodzi nomubodzi anofanira kuzvinzvisisa. Ezvishandisa pakurarama kwake. Zvikuru sei panguva ino yatiri kupemberera kuzvahwa kwaJesu. Chimwe chezvinhu zvacho kururama. Chimwe hupenyu husingaperi. Chimwe chacho kugona kujidzana naMwari. Hapanayi kumwe kwataigona kuwana zvinhu izvi. Hapanayi nzira yekunamata inogona kukupasa zvinhu izvi. Asi nhasi tinoda kudzidza nezve kururama.
Kururama kwaMwari kunonangahwa murunako hwavo. Kunonangahwa zvakare mukufarira kwavo anhu. Nemukuronga kwavo. Mwari vanoyita zvinhu zvose nomazvo. Havanayi pavanokanganisa. Ivo vanofarirawo anhu. Vanongoronga zvidonaka chete. Kururama kwaMwari kunonangahwa muzvinhu zvose. Zvino ivo vanorayikidza anhu kururama uku. Izvi zvinobva zvayita kuti anhu vagamuchire kururama uku. Kusivayita kuti varurame saMwari.
Mwari havanayi chitadzo. Pasinayi izvozvo vangadayi vasiri Mwari. Asi ivo ndiMwari. Vanongoyita zvidonaka nguva dzese. Havanayi pavanopotsa. Vanofunga zvidonaka chete. Vanonyayira zvidonaka chete. Vanoyita zvidonaka chete. Ihwohwo ndihwo hunhu hwavo. Asi vakatipasawo hunhu uhu. Saka taa kugona kufunga nomazvo. Taa kugona kunyayira nomazvo. Tisiyita zvinhu nomazvo. Tisirarama nomazvo.
Izvi ndizvo zvidoyitika pawakagamuchira Jesu. Ipo paya pawudezvahwa kechipiri. Wakanga usiri kupasiwa imwe nzira yekunamata nayo Mwari. Kururama kwaMwari kwakanga kuri kutoisiwa mumweya wako. Kwakaisiwa makaremo sechipo. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa muna aRoma yechishanu ndima yegumi nenomwe. Iweiwe wakafanira kuyita kururama uku kwekutepihwa. Wakanga usingagoni kuti ukuwane wegani. Hapanayi imwe nzira yekuwana kururama uku. Asi Muponesi Jesu vakaita kuti tigone kuwana kururama uku. Kwakaisiwa mumweya yedu naMwari.
Kururama uku ndiko kunoyita uti ugone kugamuchihwa naMwari. Usizegonawo kumira pamberi pavo. Unozemira pakarepo usinganzvi seune mhosva. Usinayi chawunecha. Usinganzvi seusina kukodzera kumira pamberi pavo. Kana kunzva sewudotayika. Isu tayitofanira kutanga tapihwa kururama uku. Pasinayi izvi hataizogona kushumira Mwari. Hataizogona kuvararamira. Saka iweiwe wakapihwa kururama. Wakakupihwa naJesu. Vakakupasa popaya pawakavagamuchira. Tisadzidza zvimwe zvasara muzvidzidzo zviri kuteyera.
Namata Usiti
Baba vandinoda. Ndinokutendayi. Mudondipasa chipo chekururama. Ndinorarama ndakashinga. Ndisiziya kuti imi munondigamuchira. Ini ndava muna Muponesi. Saka ndaa kunzvsisa rudzi hwangu. Handisisina mhosva. Handizi munhu adotayiwa. Handinayi chandinocha. Ndinokutendayi. Makandiyita kururama kwenyu. Iko kururama kuya kuri muna Muponesi Jesu. Ndinotonga muhupenyu huno. Runako hwenyu hunonangahwa pandiri. Rudo hwenyu hunonangahwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
aRoma 5 ndima 17
1 aKorinde 1 ndima 30
aFiripi 3 ndima 9