7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Zviro Zvitatu Zvatakaunzirwa NaJesu
Chipiri, 23 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Nekuti kana nekutadza kwemunhu umwe basi. Rufu rwakatonga muzita remunhu uyu. Umwe basi iyeye. Akanga atadza wacho. Aya akatora nyasha dzakawanda. akapuwa chipo chekururama. Chisingabhadharirwiba. Achatongawo muhupenyu huno. Achishandisa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi” (Varoma 5 v 17).
Ishe Jesu ane zviro zvaakatiunzira. Zviro zvacho zvitatu. Zvakakosha maningi. Mutsvene umwe neumwe anofanira kuzvizwisisa. Azozvishandisa pakurarama kwake. Zvikuru sei panguwa ino yatiri kupemberera kubarwa kwaJesu. Chimweni chezviro zvacho kururama. Chimweni hupenyu husingaperiba. Chimweni chacho kukona kudyidzana naMwari. Hapanaba kumwe kwataikona kuona zviro izvi. Hapanaba nzira yekunamata inokona kukupa zviro izvi. Asi namasi tinoda kufunda nezve kururama.
Kururama kwaMwari kunoonekwa murunako rwawo. Kunoonekwawo mukufarira kwawo anhu. Nemukuronga kwawo. Mwari anoita zviro zvese nemazvo. Haanaba paanoresva. Iwo anofarirawo anhu. Anongoronga zvakanaka basi. Kururama kwaMwari kunoonekwa muzviro zvese. Hino iwo anopangidza anhu kururama uku. Izvi zvinobva zvaita kuti anhu agamuchire kururama uku. Kuchiaita kuti arurame saMwari.
Mwari haanaba chitema. Zvisizvoba angadaro asiriba Mwari. Asi iwo ndiMwari. Anongoita zvakanaka nguwa dzese. Haanaba paanopotsa. Anofunga zvakanaka basi. Anotaura zvakanaka basihe. anoita zvakanaka basi futihe. Ihwohwo ndihwo hunhu hwawo. Asi akatipawo hunhu uhu. Saka taa kukona kufunga ngemazvo. Taa kukona kutaura ngemazvo. Tichiita zviro ngemazvo. Tichirarama ngemazvo.
Izvi ndizvo zvakaitika pawakagamuchira Jesu. Ipo paya pawakabarwa kechipiri. Wakanga usiri kupuwa imweni nziraba yekunamata nayo Mwari. Kururama kwaMwari kwakanga kuri kutoiswe mumweya wako. Kwakaiswamo sechipo. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Varoma 5 v 17. Iwe wakafanira kuita kururama uku kwekupuwa. Wakanga usingakoni kuti ukuwane wega. Hapanaba imweni nzira yekuwana kururama uku. Asi Muponesi Jesu akaita kuti tikone kuona kururama uku. Kwakaiswa mumweya yedu naMwari.
Kururama uku ndiko kunoita uti ukone kugamuchirwa naMwari. Uchizokonawo kumira pamberi pawo. Unozomirapo usingazwi seune ndaa. Usinga chaunotyaba. Usingazwiba seusinaba kukodzera kumira pamberi pawo. Kana kuzwa sewakaraswa. Isu taitofanira kutanga tapuwa kururama uku. Zvisizvoba hataizokona kushumira Mwari. Hataizokona kuararamira. Saka iwe wakapuwa kururama. Wakakupuwa naJesu. Akakupa paya pawakaagamuchira. Tichafunda zvimweni zvasara muzvidzidzo zviri kuteera.
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipa chipo chekururama. Ndinorarama ndakashinga. Ndichiziya kuti imi munondigamuchira. Ini ndaa muna Muponesi. Saka ndaa kuzwisisa rudzi rwangu. Handichinaba ndaa. Handisiba munhu akaraswa. Handinaba chandinotya. Ndinokutendai. Makandiita kururama kwenyu. Iko kururama kuya kuri muna Muponesi Jesu. Ndinotonga muhupenyu huno. Runako rwenyu runovonekwa pandiri. Rudo rwenyu runoonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaRoma 5:17; 1 VaKorinte 1:30; VaFiripi 3:8-9; 2 VaKorinte 5:21
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)