7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Zvinhu Zvitatu Zvatakaunzirwa NaJesu
Chipiri, 23 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Nokuti kana nokutadza kwemunhu mumwe chete. Rufu rwakatonga muzita remunhu uyu. Mumwe chete iyeye. Akanga atadza wacho. Vaya vakatora nyasha dzakawanda. Vakapiwa chipo chekururama. Chisingabhadharirwi. Vachatongavo muhupenyu huno. Vachishandisa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi” (Varoma 5 ndima 17).
Ishe Jesu vane zvinhu zvavakatiunzira. Zvinhu zvacho zvitatu. Zvakakosha zvikuru. Mutsvene mumwe nemumwe anofanira kuzvinzwisisa. Agozvishandisa pakurarama kwake. Zvikuru sei panguva ino yatiri kupemberera kuzvarwa kwaJesu. Chimwe chezvinhu zvacho kururama. Chimwe hupenyu husingaperi. Chimwe chacho kugona kudyidzana naMwari. Hapana kumwe kwataigona kuwana zvinhu izvi. Hapana nzira yekunamata inogona kukupa zvinhu izvi. Asi nhasi tinoda kudzidza nezve kururama.
Kururama kwaMwari kunovonekwa murunako rwavo. Kunovonekwavo mukufarira kwavo vanhu. Nemukuronga kwavo. Mwari vanoita zvinhu zvose nomazvo. Havana pavanoresva. Ivo vanofariravo vanhu. Vanongoronga zvakanaka chete. Kururama kwaMwari kunovonekwa muzvinhu zvose. Zvino ivo vanotaridza vanhu kururama uku. Izvi zvinobva zvaita kuti vanhu vagamuchire kururama uku. Kuchivaita kuti varurame saMwari.
Mwari havana chitema. Zvisizvo vangadero vasiri Mwari. Asi ivo ndiMwari. Vanongoita zvakanaka nguva dzose. Havana pavanopotsa. Vanofunga zvakanaka chete. Vanotaura zvakanaka chete. Vanoita zvakanaka chete. Ihwohwo ndihwo hunhu hwavo. Asi vakatipavo hunhu uhu. Saka tava kugona kufunga nomazvo. Tava kugona kutaura nomazvo. Tichiita zvinhu nomazvo. Tichirarama nomazvo.
Izvi ndizvo zvakaitika pawakagamuchira Jesu. Ipo paya pawakazvarwa kechipiri. Wakanga usiri kupiwa imwe nzira yekunamata nayo Mwari. Kururama kwaMwari kwakanga kuri kutoiswa mumweya wako. Kwakaiswamo sechipo. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Varoma yeshanu ndima yegumi nenomwe. Iwe wakafanira kuita kururama uku kwekupiwa. Wakanga usingagoni kuti ukuwane woga. Hapana imwe nzira yekuwana kururama uku. Asi Muponesi Jesu vakaita kuti tigone kuwana kururama uku. Kwakaiswa mumweya yedu naMwari.
Kururama uku ndiko kunoita uti ugone kugamuchirwa naMwari. Uchizogonavo kumira pamberi pavo. Unozomirapo usinganzwi seune mhosva. Usina chaunotya. Usinganzwi seusina kukodzera kumira pamberi pavo. Kana kunzwa sewakaraswa. Isu taitofanira kutanga tapiwa kururama uku. Zvisizvo hataizogona kushumira Mwari. Hataizogona kuvararamira. Saka iwe wakapiwa kururama. Wakakupiwa naJesu. Vakakupa paya pawakavagamuchira. Tichadzidza zvimwe zvasara muzvidzidzo zviri kutevera.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa chipo chekururama. Ndinorarama ndakashinga. Ndichiziva kuti imi munondigamuchira. Ini ndava muna Muponesi. Saka ndava kunzwisisa rudzi rwangu. Handichina mhosva. Handisi munhu akaraswa. Handina chandinotya. Ndinokutendai. Makandiita kururama kwenyu. Iko kururama kuya kuri muna Muponesi Jesu. Ndinotonga muhupenyu huno. Runako rwenyu runovonekwa pandiri. Rudo rwenyu runovonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
VaRoma 5:17; 1 VaKorinte 1:30; VaFiripi 3:8-9; 2 VaKorinte 5:21
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)