7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Mwari Adokusika Wudokwana
Svondo, 28 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Nokuti tiri basa remanja yaMwari. Tidosikiwa patsva. Kuri kuzvahwa patsva, kechipiri. Tisizvarihwa muna Muponesi Jesu. …” (aEfeso 2 ndima 10).
Mwari vadokusika wudokwana. Wakambozvifungawo here izvozvo? Vadokusika usinayi padoremara. Usinayi chawusingagoni kuyita. Pasinayi chingakusunga. Ivo vadokusika nehumhizha hwavo. Hapanayi chinoshayikiwa pawuri. Une zvose zvinediwa. Izvi ndizvo zvavakanga vadokurongera. Ndizvo zvavayida kuti uve chaizvo. Ndizvo zvavasiri kuda kuti uve iweiwe nanhasi.
Ahebheru yegumi ndima yegumi neina ineti, “Nokuti nechipiriso chibodzi. Akabva aponesa vose vaya vanofanira kuyitiwa atsvene”. Iweiwe ndiwe ari kunyayihwa nozvake mundima iyi. Wudosikiwa wudokwana. Saka usagara wudokwana nekusingaperi. Hapanayi chinefanira kuyingidzihwa pawuri. Hapanayi chinofanira kugadzirisiwa pawuri. Hareruya! Dhavhidhi ayinzvisisawo izvi. Tinozvinangara popaye pana Mapisarema yezana nemakumi matatu nepfumbamwe ndima yegumi neina. Ineti, “Ndinokurumbidzayi nokuti ndidoyitiwa nomutoo unechisa kamupekare uneshamisa; mabasa yenyu yanoshamisa, ndinonyatsozviziya zvikuru." Iweiwe uri munhu adokwana. Ndiwo manangarihwe yawunoitiwa naMwari. Havanayi chavanonangara chisibo pawuri. Havanayi chavanonangara chidoremara mawuri.
Izvi zvinotirangaridza Muparidzi yechitatu ndima yegumi neina. Inoti, “Ndinoziya kuti zvese zvineyitiwa naMwari zvisagara nokusingaperi; hapanayi chingayingidzihwa pazviri kamupekare hapanayi chingatapudziwa pazviri …”. Zvinosikiwa naMwari zvinegara nekusingaperi. Havanayi chavanosika chidoremara. Ivo ndivo vadekusika. Havanayi kuronga kuti itsvo dzako dzipote dzisitadza kuseyenza zvidonaka. Havanayi kuronga kuti moyo wako upote usikunetsa. Havanayi kuronga kuti mapapu yako yapote yasizarihwa. Havanayi kuronga kuti murombe wako wupote wusiyita zvihwere.
Havanayi kuronga kuti muiri wako upote usihwara. Ivo vanosika zvinhu zvavo nomazvo. Saka vadokusika uyine hutano hudonaka. Genesi yekutanga ndima yemakumi matatu neyibodzi ineti, “Mwari akanangara zvese zvaakanga ayita, kuti zvakanga zvidonaka fani …”. Saka Mwari vadosika zvinhu. Vakabva vazvinangara kuti zvose zvakanga zvidenaka kwazvo. Hapanayi chibodzi chazvene chaiva nepadokombama. Ndiwo manangariro yaunofanirawo kuzviyita iweiwe.
Wakasikiwa wudokwana. Nhengo dzako dzose dzakakwana. Ibodzi neyibodzi ineseyenza zvidonaka. Uzere zvakanaka chete. Iwe waa muna Muponesi. Waa werudzi hweVamwari. Saka wudokwana. Une zvese zvinodiwa. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa muna aKorose yechipiri ndima yegumi. Ndiko kusaka usifanira kuramba kuhwara. Ramba kukundikana muhupenyu. Hapanayi chinofanira kukutadzisa kuwana zvauneda. Hapanayi chinefanira kukutadzisa kuyita zvauneda. Tonga Satani. Tonga abati vake vese. Tonga zvinhu zvenyika yino. Iweiwe uri pfuma yaMwari.Wudorurama, Unoyera. Zita ravo ngarinamatiwe nekusingaperi.
Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Imimi ndimi mudondisika. Makandisika ndidokwana. Ndidonaka. Pasinayi chinoshaikiwa mandiri. Makandisika kudayi muna Muponesi Jesu. Musitsvaga kuti ndiyite mabasa yadonaka. Ndinokurira zvandinosangana nazvo muhupenyu. Ndinobudirira pane zvose zvandinoyita. Ndinorarama ndiri mutano. Ndidorurama. Ndiri muna Muponesi. Ndiyine zvose zvinediwa. Ndiri wemurombe wenyu. Ndiri werudzi hwenyu. Muzita raJesu. Ameni
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Jemusi 1 ndima 18
1 Pita 2 ndima 9
Muparidzi 3 ndima 14