7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Mwari akakusika Wakakwana

Svondo, 28 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Ngekuti tiri basa remaoko aMwari. Takasikwe panyowani. Kuri kubarwa panyowani. Kechipiri. Tichibarirwa muna Muponesi Jesu. …” (Vaefeso 2 v 10).

Mwari akakusika wakakwana. Wakambozvifungawo ere izvozvo? Akakusika usina pakaremaraba. Usina chausingakoniba kuita. Pasinabahe chingakusunga. Iwo akakusika nehumhizha hwawo. Hapanaba chinoshaikwa pauri. Unehe zvese zvinodiwa. Izvi ndizvo zvaakanga akakurongera. Ndizvo zvaaida kuti uwe chaizvo. Ndizvo zvaachiri kuda kuti uwe namaasi.

Vahebheru 10 v 14 inoti, “Ngekuti nechipiriso chimwe basi. Akabva aponese ese aya. Anofanire kuitwe atsvene”. Iwe ndiwe ari kutaurwa muvhesi iyi. Wakasikwa wakakwana. Saka uchagara wakakwana nekusingaperiba. Hapanaba chinofanire kuwedzerwa pauri. Hapanaba chinofanire kugadziriswa pauri. Hareruya! Dhavhidhi aizwisisawo izvi. Tinozviona muna Mapisarema 139 v 14. Inoti, “Ndinokurumbidzai ngekuti ndakaitwa ngemutoo unotyisa futi unoshamisahe; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziya kwazvo”. Iwe uri munhu akakwana. Ndiwo maonerwe aunoitwa naMwari. Haanaba chaanoona chisipo pauri. Haanaba chaanoona chakaremaraba mauri.

Izvi zvinotirangaridza Muparidzi 3 v 14. Inoti, “Ndinoziya kuti zvese zvinoitwa naMwari zvichagara nekusingaperiba; hapanaba chingawedzerwa pazviri futi hapanaba chingabviswa pazviri …”. Zvinosikwa naMwari zvinogara nekusingaperiba. Haanaba chaanosika chakaremaraba. Iwo ndiwo akakusika. Haanaba kuronga kuti itsvo dzako dzipote dzichikone kushanda zvakanaka. Haanaba kuronga kuti moyo wako upote uchikunetsa. Haanaba kuronge kuti mapapu ako apote achizarirwaba. Haanaba kuronga kuti ropa rako ripote richiita zvirwere.

Haanaba kuronge kuti mwiri wako upote uchirwara. Iwo anosike zviro zvawo ngemazvo. Saka akakusika uine hutano hwakanaka. Genesi 1 v 31 inoti, “Mwari akaone zvese zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo …”. Saka Mwari akasike zviro. Akabva azvinangisa. Akaone kuti zvese zvakanga zvakanaka kwazvo. Hapanaba chimweni chazvo chaiwa nepakakombama. Ndiwo maonero aunofanirawo kuzviita iwe.

Wakasikwa wakakwana. Nhengo dzako dzese dzakakwana. Imwe neimwe inoshanda zvakanaka. Wakazare zvakanaka basi. Iwe wamuna Muponesi. Wawerudzi rweVamwari. Saka wakakwana. Une zvese zvinodiwa. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Vakorose 2 v 10. Ndiko kusaka uchifanire kuramba kurwara. Ramba kukundikana muhupenyu. Hapanaba chinofanire kukukonesa kuwana zvaunoda. Hapanaba chinofanire kukukonesa kuita zvaunoda. Tonge Satani. Tonge abati ake ese. Tonge zviro zvenyika ino. Iwe uri pfuma yaMwari. Wakarurama. Unoera. Zita rawo ngarinamatwe nekusingaperi.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Imi ndimi makandisika. Makandisika ndakakwana. Ndakanaka. Pasinaba chinoshaikwa mandiri. Makandisike kudai muna Muponesi Jesu. Muchitsvake kuti ndiite mabasa akanaka. Ndinokurire zvandinosangana nazvo muhupenyu. Ndinobudirire pane zvese zvandinoita. Ndinorarama ndiri mutano. Ndakarurama. Ndiri muna Muponesi. Ndiine zvese zvinodiwa. Ndiri weropa renyu. Ndiri werudzi rwenyu. Muzita raJesu. ameni

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Jakobo 1:18; 1 Petro 2:9 AMPC; Tito 2:14


James1v18
1 Pita 2 v 9
Muparidzi 3 v 14

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)