7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Tinotonga Nokuti Tarurama SaIvo
Muvhuro, 29 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Nokuti kana nokutadza kwemunhu mubodzi. Rupfu hudotonga muzita remunhu mubodzi iyeye. Akanga atadza wacho. Vaya vadotora nyasha dzidowanda. Vakapasiwa chipo chekururama chisingabhadhahwe. Vasatongawo muhupenyu huno vasiseyenzesa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi” (aRoma 5 ndima 17).
Kururama chipo. Chipo chatinopihwa naMwari. Izvi ndizvo zvatinonangara mundima yatavhura nayo. Kururama hakuseyenzehwe. Hatikupihwe nokuti tayita mabasa yadonaka. Chinongowa chipo. Asi iweiwe unofanira kugamuchira chipo chacho. Chakapiwa kunyika yose. Iweiwe wudochigamuchira here?
Iweiwe unofanira kuchigamuchira. Unongofanira kugamuchira Ishe Jesu chete. Wonyayira usiti, “Ishe. Ndinogamuchira kururama kwenyu. Ndinobvuma nemoyo wangu kuti Mwari vakakumutsayi kuadopfa. Saka ndinopupura kuti imi ndimi maa kutonga hupenyu hwangu. Ameni”. Ivo vanozokupasa kururama kwavo pachavo. Kureya kuti unozorurama saivo. Tsamba yechipiri kuaKorinde chitsauko chechishanu ndima yemakumi mayiri neibodzi mwe ineti, “Muponesi ava vakanga vasinayi chitadzo . Vasitozviziya kuti vakanga vasinayi chitadzo. Asi Mwari vakavaita chipiriso chechitadzo. Kuti isu tive kururama kwavo kuya kuri muna Muponesi”.
ARoma yechishanu ndima yekutanga inotiwo, “Saka kuyimba naMwari ndiko kunotichenura. Ndiko kunoyita kuti titohwe seanhu vasinayi mhosva yavadopara. Kureya kuti Ishe Jesu Muponesi ndivo vakatiyananisa naMwari”. Saka hatichenuhwi nemari yedu kana nokushingayira kufadza Mwari asi kuyimba naMwari ndiko kunotichenura. Muponesi Jesu vasizotiyananisa naMwari. Asi kuchenuhwa kuyita sei?
Kunoreya kushambadzihwa semunhu asinayi mhosva yaadopara. Kunoreya kuwanikiwa usinayi mhosva. Ishe vane nyasha dzidowanda. Ivo vakatiwana tisinayi mhosva yatidopara. Asi handiti tine zvitadzo zvatakanga tapara here? Zvitadzo izvi zvidotanga zvasukiwa. Zvakasukiwa tisati tazvahwa kechipiri. Isu takazogamuchira Jesu. Tikapupura kuti ndivo vava kutonga hupenyu hwedu. Takabva tazvahwa kechipiri. Tikasanduhwa rudzi. Tikaitiwa imwewo mhuka itsva. Saka hatisisina nhoroondo yehupenyu hwekare. Hatisagoni kupomehwa zvitadzo zvekare. Kureya kuti tachenuhwa. Hareruya!
Zvino kune adogamuchira chipo chekururama ichi.Aroma yechishanu ndima yegumi nenomwe inotsanangura zvinoyitika kwa. Ineti, “Vaya vadotora nyasha dzidowanda. Vakapihwa chipo chekururama chisingabhadhahwe. Vasatongawo muhupenyu huno. Vasishandisa zita remunhu uya anonzi Jesu Muponesi”. Isu takasanduka rudzi. Taa Amwari. Hazvisagoni kuti tikurihwe. Hatisisiri anhu vasinayi angaayamura. Hatisisiri apemhi. Taa kutonga panyika pano. Tinotonga kudayi tidomira saMuponesi Jesu. Zita ravo ndiro rataa kuzikamwa naro. Ndiro ratava kuseyenzesa pakurarama kwedu. Tinotonga nenyasha. Tisitonga kudayi nokuti taa adorurama. Hareruya!
Namata Usiti
Baba vandinoda. Ndinokutendayi. Makandipasa nyasha dzidowanda. Makandipasa zvakare chipo chekururama. Nokudaro ndinotonga panyika pano. Ndinotonga kudayi ndidomira saMuponesi Jesu. Ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndinorarama mukururama. Ndinoyita zvinhu zvose nomazvo. Ndisitonga Satani nezvinhu zvose zvenyika yino. Muzita raJesu. Ameni.
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
2 aKorinde 5 ndima 21
aRoma 5 ndima 1
Zvidozaruhwa 5 ndima 10