7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Tinotonga Ngekuti Tarurama SaIwo

Muvhuro, 29 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Ngekuti kana nekutadza kwemunhu umwe basi. Rufu rwakatonga muzita remunhu uyu. Umwe basi iyeye. Akanga atadza wacho. Aya akatora nyasha dzakawanda. Akapuwa chipo chekururama. Chisingabhadharirwiba. Achatongawo muhupenyu huno. Achishandisa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi” (Varoma 5 v 17).

Kururama chipo. Chipo chatinopuwa naMwari. Izvi ndizvo zvatinoona mundima yatabeura nayo. Kururama hakushandirwiba. Hatikupuwi ngekuti taita mabasa akanakaba. Chinongowa chipo. Asi iwe unofanire kugamuchira chipo chacho. Chakapuwa kunyika yese. Iwe wakachigamuchira ere?

Iwe unofanira kuchigamuchira. Unongofanira kugamuchira Ishe Jesu basi. Wotaura uchiti, “Ishe. Ndinogamuchira kururama kwenyu. Ndinobvuma ngemoyo wangu kuti Mwari akakumutsai kuakafa. Saka ndinopupura kuti imi ndimi maa kutonga hupenyu hwangu. Ameni”. Iwo anozokupa kururama kwawo pachawo. Kurewa kuti unozorurama saiwo. Tsamba yechipiri kuVakorinde 5 v 21 inoti, “Muponesi aya akanga asina chiwi. Achitozviziya kuti akanga asina chiwi. Asi Mwari akaaita chipiriso chechiwi. Kuti isu tiwe kururama kwawo kuya. Kuri muna Muponesi”.

Varoma 5 v 1 inotiwo, “Saka kutemba naMwari ndiko kunotichenura. Ndiko kunoita kuti titorwe seanhu asinaba ndaa yaakapara. Kurewa kuti Ishe Jesu Muponesi ndiwo akatiyananisa naMwari”. Saka hatichenurwiba ngemare yedu. Hatichenurwibahe ngekushingaira kufadza Mwaribahe. Kutemba naMwari ndiko kunotichenura. Muponesi Jesu achizotiyananisa naMwari. Asi kuchenurwa kuita sei?

Kunoreketa kushambadzwa semunhu asina ndaaba yaakapara. Kunoreketa kuwanikwa usina ndaa ba. Ishe ane nyasha dzakawanda. Iwo akatiwana tisina ndaa yatakaparaba. Asi handiti tine zviwi zvatakanga tapara ere? Zviwi izvi zvakatanga zvasukwa. Zvakasukwa tisati tabarwa kechipiri. Isu takazogamuchira Jesu. Tikapupura kuti ndiwo akutonga hupenyu hwedu. Takabva tabarwa kechipiri. Tikashandurwa rudzi. Tikaitwa imwewo mhuka. Nyowani. Saka hatichisinaba nhoroondo yehupenyuhe ba. Hatichakoniba kupomerwa zviwihe ba. Kurewa kuti tachenurwa. Hareruya!

Hino kune akagamuchira chipo chekururama ichi. Varoma 5 v 17 inotsanangura zvinoitika kwaari. Inoti, “aya akatora nyasha dzakawanda. Akapuwa chipo chekururama. Chisingabhadharirwiba. Achatongawo muhupenyu huno. achishandisa zita remunhu uya. Anonzi Jesu Muponesi”. Isu takashanduka rudzi. Tava Vamwari. Hazvichakbaoni kuti tikurirwe. Hatichisiriba anhu asina ungaabatsira. Hatichisiriba apemhihe ba. Taa kutonga panyika pano. Tinotonga kudai takamira saMuponesi Jesu. Zita rawo ndiro rataa kuzikanwa naro. Ndiro rataa kushandisa pakurarama kwedu. Tinotonga nenyasha. Tichitonga kudai nekuti taa akarurama. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipa nyasha dzakawanda. Makandipazve chipo chekururama. Nekudaro ndinotonga panyika pano. Ndinotonga kudai ndakamira saMuponesi Jesu. Ndinokurire zvese zvandinosangana nazvo. Ndinorarama mukururama. Ndinoita zviro zvese nemazvo. Ndichitonga Satani. Nezviro zvese zvenyika ino. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
2 VaKorinte 5:21 NIV; VaRoma 5:17-21; Zvakazarurwa 5:10


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)