7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Mutemo Wezvikamu Zviiri

China, 12 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Asi angofanira kubvuma murumbwana weaisadiwa tsedangwe, ngekumupa zvikamu zveshipiri zveshetse isho anasho, ngekuti ndiye kuwamba kwesimba rashe, kodzero yedangwe ngeyashe.” (Dhuturonomi 21 ndima 17).

Wadowanda hawanzwisisi zvingotawurwa ngeBhayibheri pamutemo wemigowe miiri. Mayererano ngemutemo uyu, ngatiti mwamuna ane warumbwana washe watanhatu awo arufanira kugowera nhaka. Ayifanira kugowa nhaka yashe muzvikamu zvinomwe zvidowenzana. Murumbwana umwe ngeumwe ayipiwa shikamu shimwe, sheshinomwe isho, shayipiwa kudangwe.

Shikamu sheshinomwe kudangwe isho kutawura kuti apiwa "zvikamu zviiri.” Angonga apiwa zvidopetwa kayiri zvapiwa wena, tsandi kuti angopiwa nhaka yabambo washe yetse zvidopetwa kayiriba. Iyi hikodzero yashe tsedangwe, rupawo rwenhaka, shipangidzo shehutungamiri ngehukari wenhaka mumhuri. Uyo angonga apiwa zvikamu zviyiri ndiye ayibva ayita mukari wenhaka mukuru angotarisirwa kukwanisa kutakura ngekufambisa mberi zita ngesimba rabambo washe.

Genesisi 48 ndima 5-6 ingotipangidza kuti Rubheni, dangwe raJakobho, ndiye adonga ane kodzero yezvikamu zviiri. Asi adoratsikirwa ndizvo ngekuda kwekunyangadza kwashe. Nhaka yashe idozopiwa kuna Josefa kuburikidza ngewarumbwana washe Efuremu naManase. Ndiyo ndawa kune madzinza mayiri, Efuremu naManase, wadopiwa zita raJosefa, panzvimbo yekuti payite dzinza rimwe.

Hwaro umwe ihwohwo ndiwo udosenzeswa ndiErisha apo adoti kuna Eriya, “Ndirukukumbirani kuti zvikamu zviiri zvemwiya wanu zviwuye kunene.” (2 Madzimambo 2 ndima 9). Adonga asirukumbira zodzo ridonga rina Eriya zvidopetwa kayiriba. Zvingomboyitika senyi izvezvo? Ayida kwako kuti apiwe shinzvimbo shaEriya tsemuporofita mukuru, tsedangwe pawapwere wemaporofita. Apo Eriya adotakurwa ngengoro yemoto, Erisha adowona zviruyitika. Hanzu yaEriya idogwa patsi Erisha ayibva ayinhonga. Adzokera kuJorodhani, adobvunza ayiti, "Mwari waEriya uripi?” ayibva anera mvura. Jorodhani ridopatsanuka tseizvo ridomboiyita pana Eriya. Apo wapwere wemaporofita wadowona izvi, wadobva wakotama pamberi paErisha wayiti Mwiya waEriya wati pana Erisha" (2 Madzimambo 2 ndima 14-15). Wadoziwa kuti mwiya umwe, hofisi imwe iyeyo ngesimba zvidonga zvati pana Erisha.
Ndiyo dudziro yediko yemutemo wezvikamu zviyiri. Kupiwa simba ngeshinzvimbo shimwesho, hayikona kuti kukumbira simba ridowandaba kana zodzo idopetwa kayiriba, hakuna shiro shidosharoba. Watitorina Mwiya Mutsvene uyo arukara munewe adokwana. Hareruya!

Munamato
Baba wangodikanwa, ndingokutendani ngekundipa kunzwisisa kuburikidza ngeSoko ranu. Ndingofamba ndiyiziwa nhaka yangu muna Kristo, ndiyisenzesa simba ngehutongi tsemukari wenhaka yanu. Soko ranu ringovheneka nzira yangu riyiita kuti ndisenze muhungwaru ngemudiko, muZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:

Yohane 3 ndima 34
WaEfeso 3 ndima 17–19

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church