7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Ungokwanisa Kuwanzvirwa Nyasha Kadowanda

Chipiri, 24 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

“Asi kurani munyasha ngekuziwa Tenzi naMuponisi wasu, Yeso Kristo. Iyo ari ngakuwe ngekugwinya zvinozvi ngekusingaperiba. Ameni.” (2 Pita 3 ndima 18).

Bhayibheri ringotitawurira kuti tikure munyasha, titore mukana wenyasha dziri muna Yeso Kristo. Utsarambe uri munyasha idzo udonga unadzo gore raperaba. Dzidosenzawo ipapo, kune dzina dzidowanda! Mwari wangoda kuti ufambire mberi kuyenda pashidanho shitsva shepamutsoro shenyasha. Ungokwanisa kuwa ngedzina nyasha kadowanda! Ungokwanisa kunga urubvunza uyiti, “Ndingoyita senyi kuti izvi zviyitike?" Soko raMwari ringotipangidza.

2 Pita 1 ndima 1–2 ingoti, "...Nyasha ngerugare ngazviwanzvirwe kunemwe kuburikidza ngeruziwo rwaMwari, ngerwaTenzi wasu Yeso.” Cherechedza kuti parunzi nyasha ngerugare ngazviwanzvirwe kunemwe." Uku tsandi kuwanzvira zvishomaba asi kuti zvidowanda kuburikidza ngekuziwa Mwari naTenzi wasu Yeso. Apo ungowanzvira kuziwa Mwari, kuburikidza ngeSoko rawo, ndiko kuwanzvira kungoyitawo nyasha dzawo muupenyu hwako.

Kunzwisisa Mwari kungowanzvira nyasha dzawo uku kungonzi “epignosis” mushiGiriki. Zvingotawura kuwa ngeruziwo chayiro rudozara, rudokwana. Ruziwo rungokubatanidza ngeisho uruziwa shacho. Kana pasina kuziwa kudodzama ukuba, ruziwo rwekuvhurirwa mumwiya kana kuti “epignosis” yaKristo, nyasha dzako dzingokwanisa kuramba dziri panzvimbo imwe kana kundowanzvira kubva patunyasha tushoma kuyendawo pane tuna twudoti wandeyiwo. Asi apo ungofunga ngekuwerenga Soko raMwari kuti uwanzvire kuwaziwa, kuwanzvira kwakowo ngekwenguwa iyeyo, ipapo ipapo.
Ndipo ungowona kuti simba rako rekuyita zviro ringonga rawanzvirawo. Kutererwa kwako, kubudirira ngekukura zvingorambawo zviyiparadzira. Ndiyo ina yendawa wayititawurira kuti tifunde ngekudzeya magwaro."Fungisitsa pamutsoro pezviro izvi, uzvipire zvidokwana iyo ari. Kuti budiriro yako iwonekwe ngewetse” (1 Timoti 4 ndima 15).

Soko rekuti kuwonekwa apa mushiGiriki ndi “Phaneros”, ringotawura kuparadzira mhiri, kuzikanwa ngewetse. Saka kana nyasha dzaMwari dzikawanzvirwa muupenyu hwako, kunza kwekuwanzvira kukwanisa kwako kuyita zvidowanda, kubudirira kwako, kutererwa, hukuru, ngetsanduko ngekutonga nzvimbo huru, zvingowonekwawo zvisingakanganisikiba kuwanhu wetse.Hareruya!

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundipangidza nzira yekuwanzvira ndiyo. Ndingokura munyasha ngemuruziwo rwaTenzi wasu Yeso Kristo. Nyasha dzangu dziruwanzvira kuburikidza ngeruziwo rudozarurwa. Ndingosenza ngekukwana kukuru, kufarirwa ngekutererwa, muZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:

Jemusi 4 ndima 6
2 Pita 1 ndima 2
WaKorose 1 ndima 9–10

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church