7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Kubarirwa MuuMwari
China, 26 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
Kana munhu ati muna Kristo. Yati inawo mhuka itsva. Zvaadonga ari kara hazvisharipoba. Ringa uwone, zvatipo zvetse zvati zvitsva (2 WaKorinde 5 ndima 17).
Apo udobarwa patsva, Bhayibheri ringoti udobhabhatidzwa muna Kristo: Hamuziwi yere, kuti ifefe tetse wadobhabhatidzwa muna Yeso Kristo tidobhabhatidzwa murufu rwawo? (WaRoma 6 ndima 3). WaGaratiya 3 ndima 27 iyiti, "Ngekuti mwetse imwemwe mudobhabhatidzwa muna Kristo, mudopfeka Kristo."
Saka kubarwa patsva udoyita, udobarwa muna Mwari, muhuMwari, ngeSoko, kuburikidza ndiMwiya Mutsvene. Udototambirwa muna Kristo. Ndiyo ndawa Bhayibheri riyiti muna 2 WaKorinde 5 ndima 17, "Kana munhu ati muna Kristo, yati inawo mhuka itsva Angonga abarwa patsva atine upenyu hwaMwari ngehunhu hwaMwari.
Upenyu hwako hwemunhu wenyama hawuna kubatanidzwa ngeupenyu husingaperiba, hudotsiwiwa ndiwo kwako. Ndizvo zvingofundiswa ngeBhayibheri. Kana usingazviziwiba, hawukwanisi kurarama mudiko reupenyu hweuMwari uhwuba. Kuziwa ngezvawo kungomutsa izvi. Ndiyo ndawa muna 1 Yohane 5 ndima 13, Mwiya Mutsvene, kuburikidza ndiYohane, wayitibhuyira kuti, Zviro izvi ndidokunyorerani imwemwe wangotendera muzita reMurumbwana waMwari; kuti muziwe kuti mune upenyu husingaperiba.. .
Mwari waruda kuti uziwe kuti une upenyu uhwu munewe. Upenyu ihwohwo hawukari pamwepo ngehoshaba, zvirwere kana matenda, hungozviparadza. Upenyu hweuMwari huri munewe uhwu hawuworiba, hawuparadzikiba, hawukundwi ngekumbunda kana ngerufuba. Asi kana usingazviziwiba, ungorarama tsemunhuwo nhando, uyitambudzwawo ngezvingotambudza awo wasina Kristoba. Ndiyo ndawa uyifanira kunzwisisa diko rezvingotawura kubarwa patsva. Kuwa ngeupenyu hwaKristo mukati mako. Kutsandurwa kubva pashingopfa kuyenda pashisingapfiba, kubva pamunhu kuyenda pauMwari. Mwari ngawakomborerwe!
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngezvizarurwa zveupenyu husingaperiba uhwo ndinahwo muna Yeso Kristo. Ndingorarama ndiyiziwa kuti ndine upenyu ngehunhu hwaMwari mumwiya mangu. Upenyu uhwu ungoyita kuti ndiyite mukuru pamutsoro pehosha, kukonzwa pamwepo ngeshidima. Ndingorarama ndiyikunda nguwa dzetse, ndiyiwonesa upenyu hweuMwari huri munene, muZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Yohane 3 ndima 6
1 Yohane 5 ndima 1112
WaRoma 6 ndima 4
(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church