Chigarwe English Manyika Ndau Ndebele Shona 

Tawura Zvingobva Kuna Mwari

Muvhuro, 16 Gunyana 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Asi wadopindura wayiti, zvidonyorwa kunzi, Munhu haararami ngezingwa basiba, asi ngesoko rega rega ringobva mukamwa maMwari. " (Matewu 4 ndima 4).

MuSungano Itsva, inzwi reshiGiriki ringoti "Rhema" iro ringotawura "soko", harisenzeswi parirutawurwa ndiMwariba asi kuti munhu arutawura kubva kuna Mwari. Hinyaya yeSoko rawudopiwa ndiMwari kuti utawure. HiSoko ridofemerwa raMwari pawungotawura iwewe.

Inene ndidowamba kuziwa ngekusenzesa izvi kara ndishari muKristo munyayi. Ndidoziwa kuti kuti shiro shinganyi hasho shiyitike, ndayifanira kutawura masoko angobva kuna Mwari. Shetse shingotawurwa ndiMwari pamutsoro peshiro panyika hashitsandukiba kunza kwekunga ndatawura. Saka, kana wasongana ngetsekwende, shiro shekutanga hunzwa ngekuwirirana ngezvingotawurwa ndiMwiya Mutsvene. Izvi zvingokubatsira kutawura manzwi angodiwa kutsandura zviro ipapo.

Pawungonamata ngedzina ndimi, gadziritsa mwiya wako kuti ubate ngekugashira zviro zvingotawurwa ndiMwiya Mutsvene. Ramba uyisharo uyiteyerera kusvikira wanzwa masoko angodiwa chayiwo uyibva wawatawura ngehushingi, uyiziwa kuti Mwari ndiwo wangonga warutawura kuburikidza ndiwe. Soko raMwari rawungotawura iwewe ndiMwari wangonga warutawura.

Tondera zvidotawurwa ndiMwari kuna Mozisi pawadotsarudza Aroni kuti amubatsire muna Ekisodhasi 4 ndima 15 kusvika 16. Wadoti,: Utawure naye uyise masoko mumuromo mashe. Ndishawa ngemuromo wako ngemuromo washe, ndikufundiseni zvamungofanira kuyita. Saka ashawa mutawuriri wako kuwanhu. Iye pashashe angonga ari muromo wako,iwewe ushawa kwawari tsaMwari." Uyo angogashira Soko ashawa tsaMwari,ngekuti ndiye ane Soko. Uyo angoritawura ndiye angoyita tsemuporofita.

Funga kana mabasa etse adoyiswa mumunhu umwe! Izvi ndizvo zvayidiwa ndiMwari kuti Mozisi awe. Kugashira Soko zvetse ngekuritawura, kutawura Soko ringobva kuna Mwari. Fundira kuyita izvi uyizvisenzesa kukurira zvinetswa zvetse, wawengi kana zvina zvawungosongana ndizvo urarame uyibudirira mazuwa etse.

Namata Uyiti

Baba wandingoda, ndingokutendani ngekundipa Soko ranu renguwa imwe ngeyimwe rekusenzesa pazviro zvetse ndiyirarama zvidonaka mazuwa etse. Pandingonamata ngedzina ndimi, ndingowona zviri mumwiya ndiyisumudzirwa kutawura Soko ranu ngehushingi ngekugwinya ndiyiziwa kuti ridotakura simba rekutsandura zviro zvingonetsa, kuti zviyenderane ngekuda kwanu. MuZita raYeso . Ameni.

Dzina Ndima Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi :
Varoma 10 ndima 8
VaEfeso 6 ndima 17
Isaya 55 ndima 11
Vahebheru 4 ndima 12

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church