English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 


Koshesa Basa Rako RaMwari

Chitatu, 15 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

"Ngezvetse izvo mungoyita zviyiteni ngemwoyo wetse. Muyizviyitira Tenzi hayikona wanhuba. Muyitondera kuti Tenzi ndiwo washakupani mibayiro yanu. Iyo mibayiro iyo mudogadzirirwa ngekuti mungoshumira Tenzi Kristo (WaKorose 3 ndima 23?24).

Wanhu wadowanda wangozvibvumidza kuvhiringidzwa. Wangobatwa ngemabasa ehupenyu, zviro zvisina ndawaba ngekuteera zviro zvepanyika. Wasati wawona kuti shinyi shiruyitika, wangonga watoratsika kubva pashinangwa shaMwari. Zvingovhiringa zvingoyita kuti urekere kuringa zviro zvidokosha zvediko. Zvingokudhonzera kubva kubasa iro ungonga wapiwa ndiMwari. Saka kara udochangamuka urambe kuvhiringidzwa.

Mwari wane basa iro wadokurongera rekuti uyite. Une basa raMwari ridotonyorwa zita rako. Ukasariyitaba, ungofanira kuzopindura ngezvazvo kuna Mwari. Saka ramba udoringa pabasa iro udopiwa ndiMwari. Tenzi Yeso muna Yohane 4 ndima 34 wadoti, Shikafu shangu kuyita kuda kweudondituma, ngekupedza basa rashe." Wadobva wati muna Yohane 9 ndima 4,Ndingofanira kusenza mabasa eudondituma ashari masikati: husiku hukawuya hakuna munhu angosenzaba."
Uruyita basa raBaba yere? Urutarisira kupedza basa rako iri yere, kuzazitsa basa rako muVhangeri? Pauro adonga ane mufungiro umwewo tsewaTenzi Yeso; adoramba kuvhiringidzwa ngenzira inganyi hayo ayibva aramba adoringa pabasa rashe. Muna WaFiripi 3 ndima 13-14, adoti, ?shiro shimwe isho ndingoyita, kukanganwa zviro zvidodarika, ndiyinanambira kune zviri mberi, ndingopayirira mberi ndidonanga pamubayiro mukuru waMwari muna Yeso Kristo.
Muna WaHebheru 12 ndima 1, adopa kurudziro idokosha maningi iyo idonga idokoshetsawo muhupenyu hwashe. Adoti, ?ngatibvise zvetse zvingorema, ngerutadzo rungonamira panefe, tiware ngekushingirira mapitse adoyiswa pamberi pasu. Kumagumo kwasho adozoti, Ndakana kukana kudonaka, ndapedza basa rangu, ndachengeta rutendo (2 Timoti 4 ndima 7). Ndizvo zvidokosha izvezvo.

Ziwa shinangwa shaMwari muhupenyu hwako ngeizvo ungofanira kuyita. Tendeka ngekuyita ngemazvo muzviro izvo udonzi ndiMwari uyite. Tine basa ridojeka rekupedza kuparidza Vhangeri patsi retse. Une shekuyitawo pabasa iri. Madziso ako ngaaringe pashinangwa ishi, wara mapitse ako ngekushingirira, upedze shikamu shako ngemufaro. Mwari ngawakudzwe!

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngebasa ranu iro mudondipa. Ndingoramba kuvhiringidzwa ngewanhu, zvinetswa kana zvingobata. Mwoyo wangu ngesimba zviri pakuzazitsa shinangwa shanu shehupenyu hwangu. Ndingowara mapitse angu ngekushingirira ndiyipedza shikamu shangu ngemufaro, ndiyiwunza mbiri kuZita ranu. MuZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
2 Timoti 4 ndima 7
Mabasa 20 ndima 24
Johane 17 ndima 4

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church