English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Koshesa Basa Rawakapiwa NaMwari
Chitatu, 15 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nezvose zvamunoita. Zviitei nemoyo wose. Semunoitira Ishe. Kwete vanhu. Muchirangarira kuti Ishe ndivo vachakupai mibairo yenyu. Iyo mibairo iya yamakagadzirirwa nokuti munoshumira Ishe Muponesi (Vakorose 3 ndima 2324).
Kune vanhu vanovarairwa. Vachipedzisira vabviswa pazvinhu zvakakosha. Vanhu ava vakatowanda. Vanowandirwa nemabasa. Kana kunetseka nezvinhu zvisina basa. Vachidzingirira zvinhu zvenyika ino. Vachizopedzisira vasiya mabasa avakapiwa naMwari. Kuvarairwa hakuna kunaka. Kunokubvisa pazvinhu zvakakosha. Kunokubvisa pabasa rawakapiwa naMwari. Saka gara wakangwarira. Usingavaraidzwi nezvinhu zvisina basa.
Mwari vane basa ravakakupa. Basa iri ndiro ravanoda kuti uite. Ibasa rinofanira kuitwa newe chete. Asi kuda ungasariita. Uchazofanira kutsanangurira Mwari kuti sei usina kuriita. Saka koshesa basa iri. Ishe Jesu vane mashoko avakataura. Tinoaverenga muna Johane yechina ndima yemakumi matatu nena. Inoti, Ndine basa. Ndiro randakatumwa kuita. Ndinoda kuita basa iri. Ndiripedze. Ikoko ndiko kudya kwangu. Vakataura zvekare muna Johane yepfumbamwe ndima yechina. Vakati, Nokuti ndine basa. Ndiro randakatumwa kuzoita. Ndinofanira kuriita achiri masikati. Husiku huchauya. Hapana anenge achagona kushanda.
Saka Mwari vakakupa basa. Iri ibasa rekubatsira kuti Ruponeso rusvike kuvanhu. Uri kuita basa racho here? Wakaronga kuripedza here? Pauro aifungavo saIshe Jesu. Iye aisabvuma kuvaraidzwa. Saka akashingaira kuita basa rake. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vafiripi yetatu ndima yegumi nenhatu kusvika gumi nena. Inoti, ndine chinhu chandinoita. Ndinokanganwa zviri shure. Ndichimhanya zvine simba. Ndiine shungu dzekusvika kuzvinhu zviri mberi. Ndinovavarira kusvika ikoko. Kune mubairo mukuru. Uyo wandakarongerwa naMwari. Uri muna Muponesi Jesu.
Pauro ane imwe yambiro yaanotipa zvekare. Yambiro yacho inotaridza zvaaiita iye pachake. Tinoiverenga muna Vahebheru yegumi nembiri ndima yekutanga. Inoti, Ngatibvisei zvose zvingatirembura. Tizviise kure. Tibvisevo zvivi zviya. Zvinogara zvichida kutimomotera. Titsungirire kumhanya nhangemutange yedu. Pauro akazopedza basa rake. Tinoverenga mashoko ake mutsamba yake yechipiri kuna Timoti chitsauko chechina ndima yenomwe. Akati, Ndakarwa hondo yakanaka. Ndakapedza rwendo rwangu. Ndakaramba ndichingovimba naMuponesi. Newevo unofanira kupedza basa rako. Izvozvo ndizvo zvakanyanya kukosha.
Usakanganwa basa rawakapiwa naMwari. Tendeka kuita basa iri. Gara uchishingaira kuriita. Mwari vanoda kuti tipedzise kuparidza Ruponeso pasi rose. Iwe une ndima yako pabasa iri. Shingaira kupedza ndima yako iyi. Mufaro wako unofanira kuva pakuipedza. Mwari ngavarumbidzwe!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mune basa ramakandipa. Ndinoramba kukanganiswa nevanhu kuita basa iri. Ndinoramba kukanganiswa nezvinhu zvenyika ino. Ndinoshingaira kupedza basa iri. Ndinoita basa racho nemoyo wose. Chinondifadza kupedza basa iri. Ndichiita kuti zita renyu rikudzwe. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Timoti 4 ndima 7
Mabasa 20 ndima 24
Johane 17 ndima 4
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church