English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Mana Kudayira Kunzwi Rawo
Svondo, 19 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Mutsawomese mwoyo yanuba, tsenguwa yekutsamwiswa, mutsi wekuyedzwa murenje. (WaHebheru 3 ndima 8).
Kuwaka hukama hudosimba une shinangwa naMwiya Mutsvene kungokubatsira kukura ngekuyaruka kwako mumwiya. Mwiya Mutsvene angokara munewe; Angokutungamirira ngekukupinza mudiko retse haro. Kuziwa inzwi rashe ngekupindura zvingodiwa kungotsandura mararamiro ako nawo, ngekukubatsira kuzazitsa shinangwa shawo shehupenyu hwako zvidonakitsa.
Pena wanga urubhuya ngeuna munhu, mumasure mezvo Mwiya Mutsvene ayibva ati iyo uri, Wabhuyitsa maningi nyamusi. Wanga usingafaniri kutawura zviro izvo watawuraba. Utsarekere kutereraba uyiti hinzero dzako dzirusharo. Tambira kutsuwurwa ikoyiko uyibva wamutenda ndizvo. Ukasharo, ungonga urukurudzira kusenza kwashe muhupenyu hwako.
Wena hawetereri kunzwi iriba wayizobva wapinda mutsekwende asi. Asi shidokura shashe ngeshekukubatsira nguwa dzetse kukunzvengesa kutsawona dzingonga dzidokuzerera mberi. Izaya 30 ndima 21 (NIV) ingoti, Kana mukatendewukira kuruhi kana kurunzere, nzewe dzanu dzishanzwa inzwi kumasure kwanu riyiti, Iyi ndiyo nzira iyi, fambani umo iri. Nyamusi inzwi irero harirumasure kwakoba, riri munewe kwako.
Ukanzwa inzwi rashe mukati mako riyikutawurira izvo ungofanira kuyita kana kutsayitaba, ibva wayita izvo rirutawura ipapo ipapo. Zvifundise kuziwa ngekudayira kunzwi rashe. Zviri nyore kuziwa inzwi rashe ngekuti angokupa gwara ngekukutungamirira zvingowirirana ngeSoko raMwari. Zviro zvetse izvo angokutawurira zvingohidzana ngeSoko raMwari.
Zvingosiririsa kuti wena wangoramba wayitsaterera inzwi rasheba. Izvi zvingowasvitsa pajusafamba kwezviroba ngekumbunda. Mwedzi wega wega, wangoramba wandori wamwewo, wayindotenderera panzvimbo imwe pasina zvirufambaba, wayitsayarukaba mukufamba kwawo mumwiya. Kuyaruka mumwiya kungowonekwa ngekudayira ungoyita kuna Mwiya Mutsvene.
MaKristo ayaruka angozvipa kugadziriswa ngekurayira kwashe. Wangonzwisisa kuti hutungamiri hwaMwiya Mutsvene hudokosha maningi kuti wararame hupenyu hweShiKristo hungosenza ngekukura mumwiya. Saka wangomana wadayira kuhutungamiriri ngenzwi rashe wadozvidukupisa. Hareruya!
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundipa mwoyo ungodayira kuSoko ngekunzwi ranu. Kuburikidza ngekutungamiriwa ngekurudziro yaMwiya Mutsvene, ndingorarama hupenyu hudonakitsa hungokufadzani zvidozara ndiyizazitsa shinangwa shanu muna Kristo. Nzero dzanu dzingozaza mwoyo wangu, rudo rwanu rungowerera madiro kuburikidza ndine, ndiyifamba pamwepo naMwiya Mutsvene, ndiyiwanzvira kuyaruka, munyasha ngeshinangwa. MuZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Varoma 8 ndima 14
Johane 16 ndima 13
Mapisarema 95 ndima 7 kusvika 8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church