English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Kasira Kudavira KuInzwi Ravo
Svondo, 19 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Musawomesa moyo yenyu. Sepazuva riya randakatsamwiswa. Ndikaidzwa murenje (Vahebheru 3 ndima 8).
Iwe unofanira kuvaka hukama naMweya Mutsvene. Hukama hwacho hunofanira kunge hwakasimba chaizvo. Ndiko kuti mweya wako ukure. Mweya Mutsvene vava kugara mauri. Ndivo vanokutaridza chokwadi chose. Unofanira kuziva inzwi ravo. Unofaniravo kugona kuita zvavanokuraira. Izvozvo zvinozoshandura hupenyu hwako. Zvichizokubatsira kurarama hupenyu chaihwo hwavakakurongera. Ihwo hupenyu huya hweVamwari.
Kuda wanga uri kutaura nemumwe munhu. Asi Mweya Mutsvene vozotaura kwauri. Vachiti, Wanga uri kutaurisa nhasi iwe. Wanga usingafaniri kutaura zvose zvawataura izvo. Iwe usashaya hanya neinzwi rakadai. Usangofunga kuti dzinongova pfungwa dzako dzinenge dziri kutaura kudai. Gamuchira mashoko aya. Magamuchire nemoyo wose. Ugovatenda. Unenge uri kutokurudzira Mweya Mutsvene kuti vagare vachikudzora saizvozvo. Vachishanda muhupenyu hwako.
Asi vamwe havateereri inzwi iri. Nokudero vanopedzisira vapinda munjodzi. Asi ivo vanoshuva kukubatsira. Havadi kuti upinde munjodzi. Izvi ndizvo zvatinovona muna Isaya yemakumi matatu ndima yemakumi maviri neimwe. Ndima iyi inoti, Uye kuti pamunenge mava kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe muchatonzwa inzwi munzeve dzenyu richiti, Nzira ndeyiyi itevedzei iyoyo. Inzwi iri rava kutaura riri mukati mako.
Saka iwe unganzwa inzwi ravo. Ringava riri kukutaurira zvekuita. Kana kuti richikutaurira zvekusaita. Unofanira kubva warigamuchira. Woita zvarinenge riri kutaura. Zvidzidzise kunzwa inzwi ravo. Uzvidzidzisevo kuita zvarinoraira. Mweya Mutsvene vanoshandisa Shoko raMwari kukuraira. Vanongotaura zviri muShoko raMwari. Saka inzwi ravo harinetsi kunzwa.
Asi vamwe havateereri inzwi iri. Havana hanya naro. Saka hupenyu hwavo hahuvandudziki. Uye vanokundikana pazvinhu zvavo. Mweya yavo haikuri. Hupenyu hwavo hunoramba huchingova panzvimbo imwe chete. Iwe unofanira kuteerera zvinotaura Mweya Mutsvene. Unofanira kugona kuzvikoshesa. Ndizvo zvinotaridza kuti mweya wako wakura.
Kune Vatsvene vabva zera. Vatsvene ava vanokasira kudzorwa naMweya Mutsvene. Vanokoshesa Mweya Mutsvene. Vanotsvaka kutungamirirwa navo nguva dzose. Vanoziva kuti izvi ndizvo zvinoita kuti vagone kurarama hupenyu hweVamwari nomazvo. Mweya yavo ichizokura. Saka kasira kugamuchira zvinotaura Mweya Mutsvene. Zvigamuchire wakazvininipisa. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa moyo unodavira kuShoko renyu. Uchidavira zvekare kuinzwi renyu. Ndinotungamirirwa naMweya Mutsvene. Nokudero ndinorarama hupenyu hunokufadzai. Ihwohwo hwamakandirongera imi. Moyo wangu uzere mazano enyu. Ndinofambirana naMweya Mutsvene. Saka vanhu vanovona rudo rwenyu mandiri. Mweya wangu uchiyaruka. Nyasha dzichiwedzera mandiri. Ndichirarama hupenyu hunokufadzai. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 8 ndima 14
Johane 16 ndima 13
Mapisarema 95 ndima 7 kusvika 8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church