English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Zviyito Zvingoyera Pakunamata
Chipiri, 21 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Mwari Mwiya: wangomunamata wangofanira kumunamata mumwiya ngemuidi (Yohane 4 ndima 24).
Mwari Mwiya. Bhayibheri ringoti awo wangomunamata wangofanira kumunamata mumwiya ngemuidi. Zvidosharo hazvo, pane zviro izvo ungofanira kuyita zvingokubatsira kumutsa mwiya wako.
Tsemuwenzaniso, ukapfugama pakunamata, mwiya wako ungobva wamana kumutswa kuti unamate. Ndiyo ndawa Mwari wadotitawurira kuti tisharo, ngekuti ungobva wamana kubva pazviro zvepanyama uyiyenda pazviro zvemwiya, kuzazitsa magwaro. Mapisarema 95 ndima 6 ingoti, Oo uyani tinamate tikotame: ngatipfugame pamberi paJehovha musiki wasu.
Dhanyero adopfugamawo pakunamata: "Zvino apo Dhanyero adoziwa kuti shinyorwa shidonga shayiswa zita ramambo, adopinda mumba mashe? ayibva apfugama ngemabvi ashe katatu pazuwa, ayinamata (Dhanyero 6 ndima 10). Kana Tenzi Yeso wadopfugamawo pakunamata. Ruka 22 ndima 41 ingotitawurira kuti: Adobva apo wari ayibva ayenda shinhambwe shingosvika dombo rikakanzwa, ayibva apfugama kwatunamata .
Izvi zvingoyitikazve kana ukasumudza mawoko ako pakunamata, pakurumbidza ngekukudza Tenzi. Zviyito zvingowoneka zvidoshare izvi zvingokuwunza muzviro zvemwiya. Zviyito zvingoyera izvi zvingopangidza kurumbidza, kuyemura ngekunamata. Bhayibheri ringoti muna 1 Timoti 2 ndima 8, Saka ndingoda kuti wamuna wanamate panzvimbo dzetse, wayisumudza mawoko matsvene, wasina kuvhumiraba kana nharo."
Mambo Soromoni adosumudzawo mawoko ashe apo adokumikidza umba yaMwari. Tingowerenga muna Madzimambo wekutanga 8 ndima 54 kuti, "Zvino zvidosharezvi, apo Soromoni adopedza kunamata munamato wetse uyu,? adosumuka pamberi peatari yaJehovha apo adonga adopfugama ngemabvi ashe, ngemawoko adotambanudzirwa kudenga. Mifananidzo iyi ingotipangidza kukosha mumwiya kweizvo tingoyita kukudza, kana dayi hazvo zviyiyitwa ngenyama.
Koshesa tsika dzepamwiya idzi. Dzingokubatsira kubvisa nzero dzako pazviro zvingovhiringa zvepanyama dziyikuyendesa pazviro zvediko zvaMwiya. Zvingokubatsira kuti ubate mwiya wako, uyibva watenhwa ngekumutswa kusvika mukuhidzana naTenzi zvidodzama. Tondera masoko emuyimbi muna Mapisarema 141 ndima 2, Munamato wangu ngawuwe pamberi panu tsezvingonhuwira, ngekusumudzwa kwemawoko angu tseshipiriso shemanheru". Hareruya!
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundifundisa kukunamatani mumwiya ngemuidi. Ndingopira mwiri wangu tsemudziyo wekururama, uyipindirana ngemwiya wangu pakukudzani, pakukunamatani ngekumuyemurani. Apo ndingosumudza mawoko angu ngekupfugama ngemabvi angu, mwiya wangu ungotenhwa ngekumutswa kupinda mukuhidzana kudodzama nemwe. MuZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Varoma 12 ndima 1
Ruka 24 kusvika 50
1 Timoti 2 ndima 8
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church