English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 

Zvatinoita Tichinamata Mwari

Chipiri, 21 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Mwari mweya. Saka vanhu vangada kuvanamata. Vanofanira kuvanamatavo mumweya. Vanofanira kuvanamata muchokwadi (Johane 4 ndima 24).

Mwari mweya. Vanovanamata vanofanira kuvanamata mumweya. Vanofaniravo kuvanamata muchokwadi. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Asi pane zvinhu zvaunofanira kuita kumutsa mweya wako. Izvi zvinhu zvaunofanira kuvonekwa uchiita.

Chimwe chacho kupfugama. Kupfugama kunoita kuti mweya wako umuke. Upinde pakunamata. Ndiko kusaka Mwari vakaraira kuti upfugame. Mapisarema yemakumi mapfumbamwe neshanu ndima yetanhatu inoti, Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu.

Dhaniyeri aifugamavo pakunamata. Tinoona izvi muna Dhanieri yetanhatu ndima yegumi. Inoti, Zvino Dhanieri akati anzwa kuti chirevo chakanga chaziviswa, akaenda muimba yake Akapfugama namabvi ake akanyengetera katatu pazuva, achivonga kuna Mwari wake, sezvaaisiita. Ishe Jesu vaifugamavo pakunamata. Izvi ndizvo zvatinovona muna Ruka yemakumi maviri nembiri ndima yemakumi mana neimwe. Inoti, Jesu vakabva vavasiya. Ndokuenda pavo voga. Nechekure nevadzidzi ava. Pangasvika ibwe rekupotsera. Ndokufugama. Ndokutanga kunamata.

Mweya yedu inomutswavo patinosimudza mavoko tichinamata. Tichikudza Mwari. Tichivarumbidza. Kufugama uku. Nekusimudza mavoko edu uku. Kunobvisa pfungwa dzedu pazvinhu zvenyika ino. Kuchidziisa pazvinhu zvemweya. Tinozviita senzira yekukudza Mwari. Tichivayemura. Tichivanamata. Tsamba yekutanga kuna Timoti chitsauko chechipiri ndima yesere inoti, Saka ndinoraira kuti varume vasimudze mavoko avo matsvene. Vachinamata kose kwavanenge vari. Vasina kutsamwa. Vasingaiti nharo.

Mambo Soromoni vakambosimudzavo mavoko avo. Apa vakanga vari kukumikidza imba yaMwari. Tinoverenga izvi mubhuku rekutanga reMadzimambo chitsauko chesere ndima yemakumi mashanu nena. Inoti, Zvino Soromoni akati apedza munyengetero uyu wose nokukumbira uku kuna Jehovha, akasimuka achibva pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga. Saka kufugama tichinamata kwakakosha. Kune zvakunoita kumweya yedu. Kusimudzavo mavoko tichinamata kwakakosha. Kune zvakunoita kumweya yedu.

Usashaya hanya netsika idzi. Dzikoshese. Dzinokubatsira kubvisa meso ako pazvinhu zvenyika ino. Kuchiisa meso ako pazvinhu zvemweya. Dzinokubatsira kumutsa mweya wako. Zvichikukurudzira kudzamisa hukama hwako naIshe. Rangarira mashoko emunyori weMapisarema. Tinoaverenga muna Mapisarema yezana nemakumi mana neimwe ndima yepiri. Inoti, Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mandidzidzisa kunamata mumweya nemuchokwadi. Ndinopa muviri wangu semudziyo wekururama. Ndichiita kuti ufambirane nemweya wangu pakunamata. Nepakukurumbidzai. Ndinosimudza mavoko angu. Ndichifugama mabvi angu. Nokudero mweya wangu unomutswa. Uchikurudzirwa kudyidzana nemi zvakadzama. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 12 ndima 1
Ruka 24 ndima 50
1 Timoti 2 ndima 8

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church