English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 

Masoko Ako Ndiwe

Chitatu, 22 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Munhu adonaka angoburitsa zvidonaka kubva papfuma idonaka yemwoyo washe. Munhu adonyangara angoburitsa zvidonyangara kubva papfuma idonyangara yemwoyo washe, ngekuti angotawura ngemuromo zvidozara mumwoyo mashe (Ruka 6 ndima 45).

Wayizviziwa yere kuti shiro shidonakitsa pahunhu hwako, masoko ako? Shikomborero shikuru isho tidopiwa ndiMwari kukwanisa kutawura. Hindawa yekuti masoko ako ndiwe, ndiwo hunhu hwako. Kana mwiya wako udonakitsa, masoko ako angosharowo.
Kuti tinzwisise izvi, Tenzi Yeso wadoti muna Matewu 12 ndima 33 kusvika 35, Itani kuti muti uyite udonaka, ngemuchero wawo udonakawo; kana kuti itani muti unyangare, ngemuchero wawo unyangarewo: ngekuti muti ungozikanwa ngemuchero wawo?ngekuti muromo ungotawura zviri mumwoyo. Munhu adonaka angoburitsa zvidonakawo mumwoyo mashe. Munhu adonyangara mumwoyo mashe mungobudawo zvidonyangara. Wona kuti Tenzi wadoti; masoko angobuda munewe angobva mumwoyo mako, mumwiya mako. Mwiya wako ndiwo iwewe chayiye.

Zvirewo 23 ndima 7 ingoti tsekufunga angoyita mumwoyo mashe, ndizvo adoyita. Ngeena manzwi, hawudosiyana ngenzero ngemasoko zviri mukutawura kwako. Saka zvidoyita hupenyu hwako nyamusi, mhufananidzo wezvidosikwa ngemasoko ako mwedzi kana makore adarika. Hupenyu hwako mumwedzi kana makore mashoma aruwuya hushabva pane izvo ushasika zvinozvi ngemasoko ako. Ndiko kukosha kudoyita masoko ikoko.

Munamato

Baba wadorurama, ndingokutendani ngeshipo shekutawura ngekukwanisa kuburitsa nyasha dzanu kuburikidza ngemasoko angu. Masoko angu adozara ngenzero izvo angonyuka kubva mupfuma yehuMambo hwanu iri mumwoyo mangu. Ndingotawura zvidonaka, zvidochena ngediko. Masoko angu angowonesa kururama kwanu, kuyiwumba hupenyu hwangu hudonaka ngekurarama munemwe. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Zvirevo 16 ndima 23 kusvika 24 (NIV)
Mateo 12 ndima 33 kusvika 35 (NIV)
Vakorose 4 ndima 6 (KJV)

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church