English Ndau Shona 

Takarairwa Kutanga Takumbira Tozotora

Chipiri, 22 Gumiguru 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Vasati vatombonamata ini ndinenge ndatopindura kare munamato wavo, ivo vachiri kutaura, ini ndinenge ndatozvinzwa (Isaya 65 ndima 24).

Mwari vanotoziva zviri mumoyo mako. Vanoziva zviri mupfungwa dzako. Vanoziva zvauri kufunga. Vanozivavo zvichauya mangwana. Ivo havatombomiriri kuti utange wanamata. Vanenge vatoziva zvose. Izvi ndizvo zvakataurwa naIshe Jesu. Tinoverenga mashoko avo muna Matiyo 6 ndima 8. Inoti, Baba venyu vanoziva zvamunoshaiwa. Vanozviziva musati makumbira kwavari. Saka nemhaka yeyi tichifanira kunamata? Kunamata mutemo. Mutemo wepamweya. Mwari ndivo vakaisa mutemo iwoyo. Tinenge tiri kutotandara navo tichinamata kudero.

Munyika yemweya mune mitemo yamo. Mitemo iyi haigoni kushandurwa. Mumwe wacho ndeunotirambidza kufamba mumhepo. Mwari ndivo vakaronga kuti tifambe pavhu. Vakangosarudza voga kudero. Hazvikubatsiri kuswera uchikakavadzana navo. Ndizvo zvakaitavo kunamata. Tinofanira kunamata. Mwari ndivo vakaisa mutemo iwoyo.

Ivo vakati vanhu vanofanira kugara vachinamata. Havafaniri kuvora moyo. Vakataura izvi muna Ruka 18 ndima 1. Mwari vakatiraira kuti tidzidze Shoko ravo. Saka tinodzidza Shoko ravo. Vakatiraira kuti tishandise Shoko ravo pakurarama kwedu. Saka Shoko iri ndiro ratinoshandisa pakurarama. Mwari vane zvinhu zvavakatema. Zvinhu izvi hazvina angashandura. Isu tinofanira kushandisa Shoko ravo iri pakurarama kwedu. Ndiko kuti tiwane makomborero avo.

Zvino Mwari vakatiraira kuti tinamate. Hatichafaniri kutaura tichiti, Ishe. Imi munoziva henyu zviri muhana mangu. Saka handichazvitauri. Imi munozviziva. Izvozvo hazvisi izvo zvatakarairwa. Ruka 11 ndima 9 inoti, Kumbirai. Muchapiwa chete. Tsvakai. Muchawana chete. Gogodzai. Muchazarurirwa chete. Asi havana kugumira ipapo. Ndima yegumi yacho inoti, Nokuti izvi ndizvo zvinoitika. Munhu angakumbira. Munhu uyu anopiwa. Haanganyimwi. Angatsvaka. Anowana. Haangashaiwi. Angagogodza. Anovhurirwa. Haangarambirwi.

Mwari havana kuti, Munhu wose anongofungira mumoyo ndiye achapiwa. Kwete. Ivo vakati, Kumbira. Ugopiwa. Saka izvi ndizvo zvatinofanira kuita. Tinovonavo izvi muSungano yeKare. Mwari vane zvavakanga vavimbisa vana vaIsiraeri. Tinovona zvinhu zvacho muna Ezekieri 36 ndima 21 kusvika 36. Asi Vaisiraeri ava vakanga vakafanira kuzokumbira Mwari zvinhu izvi. Izvi ndizvo zvatinovona muna Ezekieri 36 ndima 37. Inoti, Ndichagamuchirazve chikumbiro cheimba yaIsraeri ndigovaitira izvi: Ndichawanza kwazvo vanhu vavo sokuwanda kwamakwai.

Tinotenda Mwari. Ndivo vakaronga kuti tigone kunamata. Tichiita kuti zvinovafadza zviitwe muhupenyu hwedu. Tichiita kuti zvavanoda zviitike panyika pano. Nemuhupenyu hwevanhu. Mwari ngavakudzwe!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ndimi makaronga kuti ndigone kunamata kwamuri. Nokudero ndinoshanda pamwe chete nemi. Tichiita kuti zvamunoda imi zviitike panyika pano. Ndinoshandisa Shoko renyu pakurarama kwangu. Nokudero simba renyu rinovonekwa pahupenyu hwangu. Minamato yangu iyi inoshanda zvikuru. Ini ndinofadzwa naizvozvo. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Matiyo 7 ndima 7 kusvika 11
Jeremiya 33 ndima 3
Ezekieri 36 ndima 21 kusvika 37

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church