English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Mashoko Ako Ndiwe
Chitatu, 22 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Fuma yemunhu iri mumoyo. Zvino, munhu angava akanaka. Fuma yake iyi inenge yakanakavo. Saka maari munobudavo zvakanaka. Asi mumwe angava akaipa. Fuma yake iyi inenge yakaipavo. Saka maari munobuda zvakaipa. Zvinhu izvi zvinobuda nepamuromo wake. Zvinopfachuka zvichibuda mumoyo make (Ruka 6 ndima 45).
Mashoko ako ndiwe. Ndiwo anobudisa zvauri chaizvo. Kugona kutaura mashoko chipo. Ndicho chipo chinodarika zvimwe zvipo zvose. Iwe hausiyani nemashoko aunotaura. Saka mweya wako ungava wakaisvonaka. Mashoko ako anozova akanakavo.
Izvi ndizvo zvakasimbiswa naIshe Jesu. Tinoona izvi muna Matiyo yegumi nembiri ndima yemakumi matatu nenhatu kusvika makumi matatu neshanu. Inoti, Muti unofanira kunge wakanaka. Ndiko kuti zvibereko zvawo zvinakewo. Zvisizvo, zvibereko zvawo zvinova zvakaipa. Nokuti muti unozikanwa nezvibereko zvawo. Nokuti muromo hauna zvimwe zvaunotaura. Kunze kwezviya zvinenge zviri mumoyo memunhu. Munhu angava akanaka. Moyo wake unova wakanakavo. Saka maari munobudavo zvinhu zvakanaka. Zvinhu izvi zvinenge zvichibuda mumoyo make umu. Asi mumwe angava akashata. Kureva kuti moyo wake unenge wakashata. Saka maari munobudavo zvinhu zvakashata. Zvinhu izvi zvinenge zvichibuda mumoyo make umu. Ishe ndivo vakataura mashoko aya. Natsa kumaongorora. Mashoko ako anobva mumoyo mako. Moyo uyu ndiwo mweya wako. Mweya uyu ndiye iwe wacho.
Zvirevo yemakumi maviri nenhatu ndima yenomwe inoti, Nokuti sezvaanofunga mumwoyo make, ndozvaakaita. Zviri mupfungwa dzako ndizvo zvauri chaizvo. Mashoko ndiwo anobudisa zviri mupfungwa dzako izvi. Mashoko aya ndiwo akakurongera hupenyu hwaunahwo nhasi. Ndiwo zvekare ari kuronga zvichange zvakaita hupenyu hwako munguva inotevera. Ndiko kusaka mashoko akakosha.
Namata Uchiti
Baba vakarurama. Ndinokutendai. Makandipa chipo chekutaura mashoko. Nyasha dzenyu dzinovonekwa mumashoko angu. Mashoko aya anobuda mufuma yenyika yaMwari. Iyo iya iri mumoyo mangu. Saka ndinongotaura mazano aMwari. Ndinotaura zvinhu zvakanakisa. Ndinotaura zvinhu zvakachena. Ndinotaura chokwadi. Kururama kwenyu kunovonekwa mumashoko angu. Ndiwo anoronga hupenyu hwangu hweVamwari. Ihwohwo hwamakandirongera kuti ndirarame. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 16 ndima 23 kusvika 24 (NIV)
Mateo 12 ndima 33 kusvika 35 (NIV)
Vakorose 4 ndima 6 (KJV)
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church