English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Senzesa Soko
China, 23 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Ngekusharo wadikani wangu...? senzerani ruponiso rwanu mega ngekusha ngekudedera (WaFiripi 2 ndima 12).
MushiKristo, kuti udobarwa patsva hazvitawuri kuti ushabva wararama tsemuKristo wedikoba kana kuti ushawona zvingobuda pahupenyu hweshiKristo. Hazvitawuri kuti zviro zvingobva zvandowamba ngekuyitika zvegaba. Tsandizvoba! Urufanira kuyita kuti zviyitike. Urufanira kusenza kuti ruponiso rwako ruwonekwe. Kutawura kuti urufanira kusenzesa rutendo rwako, urufanira kuyita zvingotawura Soko raMwari.
Muyiti WeSoko raMwari ndiye angowona makomborero eruponiso: Asi itani wayiti weSoko raMwari. Mutsandoyite wanzwi basiba muyizvipfunzira pashanu........Asi wani nawani angoringa mumutemo udonaka uyo ungopa rusununguko, ayiramba ayiyita izvezvo, asingakanganwi izvo anzwaba asi ayizviyita, munhu uyu ashakomborerwa mune izvo angoyita (Jemusi 1 ndima 22-25).
Une hupenyu huri pamutsoro pehwaSatani, hosha kana matenda, hupenyu hwewaMwari. Wati werudzi rumwe naMwari: Ngekusharo wadotipa zvitsidzo zvihombe zvidokosha: kuti ndizvo mukwanise kugowerwa huMwari, mawara kuwora kuri munyika kuburikidza ngerushiwa (2 Pita 1 ndima 4). Ungobva kuna Mwari tsezvingotawura 1 Yohane 4 ndima 4, Muri waMwari, imwemwe wapwere wanyayi, mudowakunda ngekuti uyo ari munemwe mukuru kudarika uyo ari munyika (1 Yohane 4:4).
Udobarwa ndiMwari, Mwari washo watukara munewe. Ungofanira kusenzesa diko iri pazviro zvehupenyu hwako. Ndipo pangopinda kudzeya ngeruziwo rwako rweSoko raMwari. Ungofanira kuziwa ngekufunda Soko raMwari pashako. Kuburikidza ngekufunda kwako Soko raMwari, zviro zvediko zviri muSoko imomo ngediko riri mumwiya mako zvingojekeswa kunewe. Zvingobva zvawa zvediko zviyibatika.
Kufarira kudzeya Soko uku kungoyita kuti ubudirire muhupenyu, usike kukurira ngekuronga zviro zvehupenyu hwako ngenzero dzepamutsoro: Bhuku remutemo iri harifaniri kubva pamuromo pakoba; fungisitsa pamutsoro paro husiku ngemasikati, kuti ungwarire kuyita zvetse zvidonyorwa umo riri, ipapo ushabudirira zvidonaka (Joshwa 1 ndima 8).
Wazviwonaka: hupenyu hudonaka ngekubudirira hazviri mumawoko aMwariba asi ako iwewe. Wadokupa Soko rawo, ndiro ungoda basi kuti urarame mumakomborero makuru ngekufamba mukutonga uyinakirwa ngezvibarwa zveruponiso. Asi ungofanira kusenzesa Soko, ita izvo ringotawura kuti rikuburitsire izvo ringotawura zvasho.
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngehupenyu hwewaMwari uhwo mudondipa. Ndingorarama ndiyiziwa kuti ndiri wani muna Kristo. Ndingosenzesa Soko ranu panzero dzangu, pamwiri wangu ngemuzviro zvehupenyu hwangu mazuwa etse. Ndingorarama muhutano hwewaMwari, rugare ngekukurira mazuwa etse, ngekuti ndingorarama ndiyiziwa kuwamo kwesimba raMwiya Mutsvene munene. MuZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Jakobo 1 ndima 22 kusvika 25
Varoma 12 ndima 2
1 Timotio 4 ndima 15
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church