English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 


Shandisa Shoko RaMwari Pakurarama Kwako

China, 23 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Saka hama dzangu dzandinoda. Chishandai. Muchitya. Muchidedera. Kuti zvibude pachena kuti makaponeswa (Vafiripi 2 ndima 12).

Iwe ungava wakazvarwa kechipiri. Izvozvo hazvirevi kuti unobva watorarama hupenyu hweVamwari. Hazvirevi kuti unobva watowana zvose zvinowanikwa neVamwari. Zvinhu hazvizongonaki zvoga. Iwe ndiwe unofanira kuita kuti zvinake. Unofanira kushanda. Uchitsvaka kuti zvibude pachena kuti wakaponeswa. Kureva kuti unofanira kurarama semunhu anovimba naMwari. Unofanira kudzidza kushandisa Shoko raMwari pakurarama kwako.

Munhu anofanira kuva Shoko raMwari. Munhu akadai ndiye anowana maropafadzo eRuponeso. Izvi ndizvo zvatinovona muna Jemusi yekutanga ndima yemakumi maviri nembiri kusvika makumi maviri neshanu. Inoti, Muve Shoko raMwari. Musangogumira pakurinzwa chete. Nokuti mukadero munenge muri kuzvinyengera. Asi munhu uya. Anotarisa mumurairo wakagadzirirwa vanhu vakasungunurwa. Achibva aushandisa pakurarama kwake. Asisiri munhu anongonzwa achikanganwa. Asi zvaanzwa izvi zvichizovonekwa pahupenyu hwake. Munhu iyeye acharopafadzwa muzvinhu zvose zvaanoita.

Iwe wakashanduka rudzi. Vanhu verudzi rwako vane masimba anodarika aSatani. Vanokurira zvirwere. Ndeveropa reVamwari. Iwe wava munhu werudzi rwaMwari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yechipiri yaPita chitsauko chekutanga ndima yechina. Inoti, Ivo vakativimbisa zvinhu zvikuru. Zvinokosha. Izvo zvakaita kuti zvigoneke kuti tive vanhu verudzi rwavo. Tisava neruchiva. Kuti tigoponeswa. Tisaparara sezvinhu zvenyika ino. Iwe wakazvarwa naMwari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yekutanga yaJohane chitsauko chechina ndima yechina. Inoti, Vana vadoko. Imi makazvarwa naMwari. Saka makakurira mweya yose iyi. Nokuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarika uya. Ari munyika ino.

Mwari ndivo vakakuzvara. Mwari ava vava kugara mauri. Rarama semunhu anonzwisisa izvi. Ndiko kusaka uchifanira kugara pfungwa dzako dziri paShoko raMwari. Shoko iri rinofaniravo kugara riri mupfungwa dzako. Uchiridzeya mumoyo mako. Shoko iri rinozoshanda mumweya mako. Richiita kuti pfungwa dzako dzinzwisise zvinhu zvemweya. Zvinhu izvi zvinozokujekera. Iwe uchizogona kuzvishandisa pakurarama kwako.

Kudzeya Shoko uku kunozoitavo kuti ubudirire pane zvaunoita. Uchikurira zvinhu zvenyika ino. Uchizoshandisa mazano aMwari kuita zvinhu zvako. Izvi ndizvo zvatinovona muna Joshua yekutanga ndima yesere. Inoti, Bhuku romutemo iri ngarirege zvaro kumbobva pamuromo pako, ufungisise zviri mariri siku nesikati, kuti unyatsoita maererano nezvose zvakanyorwamo, ndopazvichakufambira zvakanaka ugonyatsobudirirawo.

Saka Mwari havasi ivo vanoronga kuti urarame hupenyu hweVamwari. Havasi ivo vanoronga kuti ubudirire muhupenyu. Iwe ndiwe unoronga kudai. Ivo vakakupa Shoko ravo. Shoko iri ndiro raunofanira kushandisa. Ndiro rinoita kuti urarame mumaropafadzo avo. Ndiro rinoita kuti ukurire zvinhu zvenyika ino. Ndiro rinoita kuti uwane maropafadzo ose eRuponeso. Asi unofanira kushandisa Shoko iri pakurarama kwako. Ndiko kuti rishande muhupenyu hwako. Richikuwanisa zvarinovimbisa.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mandipinza muna Muponesi. Mukandishandura rudzi. Mukandiita weropa reVamwari. Ndinorarama semunhu anonzwisisa izvi. Ndava kutungamirirwa neShoko renyu. Handichatungamirirwi nepfungwa dzangu. Ndinoziva kuti imi mava kugara mandiri. Uye kuti simba raMweya Mutsvene riri kushanda mandiri. Saka ndinogara ndiri mutano saMwari. Ndinogara ndiine rugare. Ndichikurira zvandinosangana nazvo. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Jakobo 1 ndima 22 kusvika 25
Varoma 12 ndima 2
1 Timotio 4 ndima 15

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church