English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Kusenza Kwenzero DzaMwari Kuburikidza Ndiwe
Mugovera, 25 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Asi naye muri muna Yeso Kristo, uyo adoyitwa hungwaru kunefe ndiMwari....? (1 WaKorinde 1 ndima 30).
Rina diko ridonakitsa reVhangeri ngerekuti Kristo wadoyitwa hungwaru hwasu. Kutawura kuti tatukwanisa kuwona zviro zvewaMwari, tatukwanisa kunzwisisa ngekuwa ngegwara muzviro zvetse. Hatirutsvaka hungwaruba, Yeso Kristo ndiwo hungwaru hwasu. Ndiyo ndawa tiyikwanisa kutsanangura zvisinganzwisiswiba; tingowona zvidozezwa ngediko rehupenyu.
Hapana shiro isho usingakwanisi kunzwisisaba kana kubatanidza pamwepo munzero dzako. Zvingodiwa ndiMwari zvetse zvidopenengurwa kumwiya wako ngekuti Kristo hungwaru hwako. Mwiya Mutsvene, uyo tingotizve Mwiya wehungwaru, atukara munewe. Angoyita kuti ubudirire. Ndiyo ndawa Munamato waMwiya Mutsvene kuburikidza ndiPauro muna WaKorose 1 ndima 9 uyiti zarani ngeruziwo rwekuda kwaMwari muhungwaru hwetse ngekunzwisisa kwemumwiya. Mwari ngawakomborerwe!
Ndiwo hupenyu hwako tsemupwere waMwari. Apo ungoronga zviro, ungonga ururonga ngenzero ngekururama kwaMwari; izvo ungoronga zvingonga zvisiri zvekufungidziraba kana manyepo, zvingonga zviri shayizvo shayizvo, zviyiburitsa zviro zvingopa mbiri kuna Mwari ngekuti ungonga urusenza ngenzero dzaMwari. Nzero dzaMwari idzi dzingowonekwa mumatawuriro ako, magadzirisiro ungoyita zvingonetsa, kuhidzana kwako ngewena, ngekufamba ungoyita naMwari. Ungonga uyida ngekuyita Soko rawo.
Ndiwo mararamiro ayiyita Tenzi Yeso aya. Bhayibheri ringotitawurira makuriro wadoyita muhungwaru ngekufarirwa ndiMwari zvetse ngewanhu. (Ruka 2 ndima 52). Wayiziwa zvekuyita kana kutawura nguwa dzetse. Nzero dzimwe idzedzo dzatusenza munewe. Kuzvipira ungoyita kuSoko kadowanda, ndiko kuwanda kungoburikawo nzero dzawo munewe. Ngenzero idzedzo, ungofamba uyinatsa kuziwa pamwepo ngeshinangwa, uyizazitsa kuda kwaMwari pahupenyu hwako.
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekupenya kwanu muhupenyu hwangu, ngekuyita Kristo nzero dzangu. Ndingorarama ndiyiwona zviro tsemuMwari, ndine kunzwisisa kwemumwiya kungoshamisa ndisingayiti zvekufungidziraba. Handivhiringikiba kana kutsawa ngedikoba. Ndingoziwa zvekuyita nguwa dzetse ngekuti nzero dzanu dzirusenza maningi munene. MuZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Vakorose 1 ndima 9
Vaefeso 1 ndima 17 kusvika 18
VaEfeso 3 ndima 10
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church