English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Une Mazano AMwari Mauri
Mugovera, 25 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Asi Mwari ava. Ndivo vakaita kuti muve muna Muponesi Jesu. Iye Muponesi Jesu vaya. Vakaitwa naMwari kuti vave zano redu. Kururama kwedu. Kuereswa kwedu. Nerudzikinuro rwedu (1 Vakorinde 1 ndima 30).
Muponesi ndivo vakaitwa mazano edu. Ichi chinhu chinofadza chose. Takachiunzirwa neRuponeso rwaJesu. Saka tava kugona kunzwisisa zvisinganzwisisiwi nevanhu venyika ino. Tava kugona kuziva zvekuita muzvinhu zvose. Isu hatisi kutsvaka mazano akanaka. Muponesi ndivo zano redu. Ndiko kusaka tichigona kunzwisisa zvisinganzwisiswi nevanhu venyika ino. Tava kugona kuvona zvakadzama zvehupenyu. Izvo zviya zvisingagoni kuvonekwa nevanhu venyika ino.
Hapana chinhu chausingagoni kunzwisisa. Mweya wako wava kunzwisisa zvinoda Mwari. Mweya Mutsvene vava kugara mauri. Mweya Mutsvene ava ndivo vane mazano ose aMwari. Ivo vanoita kuti ubudirire pane zvose zvaunoita. Ndiko kusaka Mweya Mutsvene vakambonamata. Vakanamata kuti tinzwisise zvinofadza Mwari. Tinzwisise zvinhu zvemweya. Tive nemazano ose aMwari. Vakanamata kudai vari muna Pauro. Tinowana munamato wacho muna Vakorose yekutanga ndima yepfumbamwe. Mwari ngavakudzwe!
Iwe wava mwana waMwari. Saka uhu ndihwo hwava hupenyu hwako. Saka ungaronga zvinhu. Mazano aMwari ndiwo aunenge uri kushandisa kuronga zvinhu zvacho. Unenge uchizvirongavo mukururama kwaMwari. Saka unenge usiri kuita zvekufungidzira. Unenge usiri kumbondera. Unenge uri kutoziva zvauri kuita. Zvinhu zvako zvichizobuda zvakanaka. Mwari vachitozokudzwa. Mazano aMwari aya anotonzwikwa mukutaura kwako. Anovonekwa mukuronga kwako. Anovonekwa mukufambidzana kwaunoita nevamwe. Anovonekwa mukufamba kwako naMwari. Iwe unoda Shoko raMwari. Uye ndiro raunoshandisa pakurarama kwako.
Uhu ndihwo hwaiva hupenyu hwaIshe Jesu. Ivo vakakura. Mazano aMwari akawanda mavari. Vakafarirwa naMwari. Vakafarirwavo nevanhu. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Tinozviverenga muna Ruka yepiri ndima yemakumi mashanu nembiri. Jesu vaiziva zvekuita nguva dzose. Vaiziva zvekutaura. Mazano aya ndiwo awavawo nawo iwe. Asi unofanira kurega Mweya Mutsvene vachishanda mauri. Ndiko kuti mazano aya awedzere kuvonekwa mauri. Anozoita kuti urarame nomazvo. Uchiita chaizvo zvaunofanira kuita. Uchiita chaizvo zvinofadza Mwari.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Simba renyu rava kuvonekwa muhupenyu hwangu. Makaita kuti Muponesi vave zano rangu. Ndinonzwisisa zvinhu saMwari. Ndinonzwisisa zvinhu zvemweya. Handivhiringiki. Handiiti zvekufungidzira. Mazano enyu ndiwo andinoshandisa pakurarama kwangu. Saka ndinoziva zvekuita nguva dzose. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vakorose 1 ndima 9
Vaefeso 1 ndima 17 kusvika 18
VaEfeso 3 ndima 10
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church