English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Nzira Ingokunda
Muvhuro, 27 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Ngekuti kana muyirarama kutedzera zvingodiwa ngenyama, mushapfa: asi kana muyiwuraya mabasa emwiri kuburikidza ndiMwiya, mushararama. (WaRoma 8 ndima 13).
TsemuKristo , zvidokosha kuti uwone ngekunzwisisa hupenyu ngenzira idonaka, mawonero aKristo. Utsasenzese nzero dzakoba: izvo ungowona, izvo ungonzwa kana izvo ungobata. Hupenyu ngehwemumwiya,nzira ingokunda hinzira yaMwiya ngeSoko raMwari. Ungofanira kuwona hupenyu ngekuhurarama kuburikidza ngeSoko,hayikona kuyita zvekufungidzira kana zvingotawurwa ngewanhuba.
Kana tirutawura ngezvekuwona hupenyu kuburikidza ngemboni yeSoko raMwari,zvirutawura kuti zviro zvetse izvo ungoziwa ngekutendera zvingoenderana ngezviri muVhangeri raYeso Kristo. Vhangeri hiSoko raMwari ringotawura ngezvaYeso Kristo,kuti ndiwani ngebasa rawo; ngehupenyu hwawo munefe nyamusi. Wadotiwunzira hupenyu hwehuMambo, hupenyu hwepamutsoro ngemitemo yepamutsoro. Hawanzwisisikiba ngeruziwo rwenzero.
Tsemuwenzaniso , wadoti muna Matewu 5 ndima 44, "Idani wawengi wanu, komborerani awo wangokutukani, itani zvidonaka kune wangokuwengani, munamatire awo wangokuyitirani zvidonyangara ngekukutambudzani. Tsandiwo mayitiro emunyakaba iwaya. Mozisi adoti, Dziso padziso, asi Tenzi Yeso wadowuya ngenzira itsva pakurarama.
Bhayibheri ringoti mutemo udowuya naMozisi asi nyasha ngediko zvidowuya naYeso Kristo (Yohane 1 ndima 17). Wadowuya kowotiwonesa hupenyu ngehunhu hwaMwari, mafungiro aMwari,nzira ingokurira. Izvi zvingobatawo hutano hwako ngekuwa wadi kwako.
Nyika ingokwanisa kutambira kusha, hosha kana kusatsarukanaba, asi Vhangeri ringotiwimbisa hutano hudonaka hwewaMwari tseizvo tingowona muna 3 Yohane 1 ndima 2: Mudikani, ndingotsuwira pamutsoro pezviro zvetse kuti ubudirire, ukare udogwinya,tsekubudirira kwemwiya wako. Kana ukanzwa zvipangidzahosha mumwiri mako, utsapatikeba. Senzesa Soko raMwari pakuwona kwako. Wona zviro mawonero eVhangeri: hutano hwewaMwari hinhaka yako.Mwari ngawakudzwe!
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundipa Soko ranu iro ndingorarama ndiro mukukunda ngekutonga. Ndingoringa ngekuwona zviro mawonero zvingoyitwa ngeVhangeri, ndiyifamba mushiyedza shanu nguwa dzetse. Ndingoramba kusha kana kutambira zvisingawirirani ngeSoko ranuba. Ndingofamba murudo, ndingorarama muhutano ngekugwinya kwewaMwari. Ndingobudirira mazuwa etse. MuZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Zvirevo 4 ndima 20 kusvika 22
2 Vakorinde 5 ndima 7
Ruka 6 ndima 27 kusvika a 31
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu ndima
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
You can get other teachings on: https://bit.ly/Shona_Church