English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Nzira Inoshanda Yacho
Muvhuro, 27 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti kana muchishandisa tsika dzenyika ino pakurarama kwenyu. Muchafa. Asi kana muchishandisa Mweya Mutsvene kudzora. Kudzimura. Nekuuraya mashiripiti emiviri yenyama. Muchararama (Varoma 8 ndima 13).
Iwe ungava Mumwari. Une nzira yaunofanira kunzwisisa nayo hupenyu. Iyi inzira iya inonzwisiswa nayo hupenyu naMwari. Usashandisa mazano evanhu venyika ino. Usanyengerwa nemeso ako. Usanyengerwa nenzeve dzako. Usanyengerwa nezvaunganzwa nemuviri wako wenyama. Hupenyu hunorongwa mumweya. Saka unofanira kushandira mumweya. Shandisa Shoko raMwari pakurarama kwako. Ndiko kuti ukunde. Shoko raMwari ndiro rinofanira kukutsanangurira hupenyu. Usashandisa mazano evanhu.
Gamuchira zvinotaura shoko reRuponeso. Shoko iri ndiro riya rinotaura pamusoro paMuponesi Jesu. Ndiro rinotibatsira kunzwisisa Jesu ava. Richitizivisa zvavakavinga panyika. Nehupenyu hwavo matiri nhasi. Ivo ndivo vakatishandura rudzi. Vakatiita vanhu venyika yavo. Vasingatongwi nezvinhu zvenyika ino. Izvi zvinhu zvisinganzwisiswi nevanhu venyika ino.
Tinoverenga mamwe mashoko avo muna Matiyo yeshanu ndima yemakumi mana nena. Vakati, Asi ini ndinoti kwamuri, Idai vavengi venyu. Ropafadzai vanokutukai. Itirai zvakanaka vanokuvengai. Munyengeterere vanokuitirai zvakaipa, vachikutambudzai. Vanhu venyika ino havararami nenzira yakadai. Vanoita zvakataurwa naMosesi. Iye akati, Munhu angabvisa ziso rako. Iwe mubvisevo rake. Asi Ishe Jesu havana kutidzidzisa kudai. Ivo vakauya nemurairo mutsva.
Murairo wakauya naMosesi. Asi Muponesi Jesu vakauya nenyasha. Vakauyavo nechokwadi. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Tinozviverenga muna Johane yekutanga ndima yegumi nenomwe. Jesu vakauya kuzotitaridza zviri Mwari chaizvo. Vakauya kuzotitaridza mafungiro aMwari. Anova ndiwo anoshanda. Iwe unofanira kushandisa mazano avo aya. Mashandise kunyangwe muhutano hwako.
Kutya kungaita hako sandiko kwakurumbira munyika. Zvingaita hazvo sekuti munhu wose anofanira kurwara. Asi shoko reRuponeso rinotivimbisa hutano hwakanaka. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yechitatu yaJohane chitsauko chekutanga ndima yepiri. Inoti, Hama yangu. Ndinoshuva kuti ubudirire. Budirira sekubudirira kuri kuita mweya wako. Uye uve nehutano hwakanaka. Ndizvo zvandinokushuvira kudarika zvimwe zvose. Saka kuda unganzwa sewava kurwara. Usavhunduka hako. Tarisa muShoko reRuponeso. Tora zvarinotaura pamusoro pehutano hweVamwari. Iro rinoti hutano uhu hwava hwako. Mwari ngavakudzwe saMwari.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa Shoko renyu. Shoko iri ndiro rinoita kuti ndikurire zvinhu zvenyika ino. Richiita kuti nditonge zvinhu izvi. Ndinogamuchira zvinotaura shoko reRuponeso iri. Saka ndinofamba muchiedza chenyu nguva dzose. Handina chinondivhundusa. Handigamuchiri zvinopesana neShoko renyu. Ndinorarama semunhu anofarirwa naMwari. Ndinogara ndiri mutano saMwari. Ndakasimba. Ndichibudirira zuva rimwe nerimwe. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 4 ndima 20 kusvika 22
2 Vakorinde 5 ndima 7
Ruka 6 ndima 27 kusvika a 31
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu ndima
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
You can get other teachings on: https://bit.ly/Shona_Church