7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Unogona Kugara Uchiwedzerwa Nyasha

Chipiri, 24 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Asi nyasha ngadziwande mamuri. Muwedzere kuziva Ishe wedu. NaMuponesi Jesu. Ivo vakakodzera kupiwa kudzo yose yeVamwari. Vachiipiwa ikozvino. Nekusingaperi. Ndapedza" (2 Pita 3 ndima 18).

Nyasha dzinofanira kuwanda matiri. Izvi ndizvo zvatinorairwa neBhaibheri. Rinotirairavo kuti tishandise nyasha idzi. Idzo nyasha dziya dziri muna Muponesi Jesu. Iwe une nyasha dzawaiva nadzo gore rapera. Nyasha idzi dzakakubatsira hadzo. Asi chirega kuramba wakangomira panyasha idzodzo. Wedzerwa dzimwe. Mwari vanoda kuti nyasha dzako dziwedzere. Nyasha idzi dzinogona kugara dzichiwedzerwa. Asi kuda ungabvunza uchiti, "Chii chandinofanira kuita kuti ndiwedzerwe nyasha?" Shoko raMwari rinotizivisa kuti dzingawedzerwa sei.

Tsamba yaPita yechipiri chitsauko chekutanga ndima yekutanga kusvika yechipiri inoti, "... Wedzerai kuziva Mwari. Wedzerai kuziva Jesu Ishe vedu. Ndiko kuti muve nenyasha dzakawanda. Nerugare rwakawanda". Saka iwe unofanira kuwedzera kunzwisisa Mwari. Unofaniravo kuwedzera kunzwisisa Jesu Ishe vedu. Nyasha dzinobva dzawedzeravo. Shoko raMwari ndiro rinokubatsira kunzwisisa Mwari.

Shoko rekuti kunzwisisa iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, "epignosis". Shoko iri rinoreva kunzwisisa chinhu. Unenge uri kuchinzwisisa kusvika chava muropa rako. Ndiwo manzwisisiro aunofanira kuita Mwari. Zvisizvo nyasha dzako hadzingawedzeri. Saka unofanira kugara uchidzidza Shoko raMwari. Uchigara pfungwa dzako dziri paShoko iri. Shoko racho richigara riri mupfungwa dzako. Uchigara uchiridzeya mumoyo mako. Unozogara uchiwedzera kunzwisisa Ishe. Nyasha dzichiwedzeravo muhupenyu hwako.

Hunyanzvi hwako hunozowedzeravo. Masimba ako achiwedzeravo. Fuma yako ichiwedzera. Uchizikanwa kose kose. Ndiko kusaka tichirairwa kuti tigare pfungwa dzedu dziri paShoko raMwari. Tinoona izvi mutsamba yekutanga kuna Timoti chitsauko chechina ndima yegumi neshanu. Inoti, "Fungisisa pamusoro pemashoko iwayo. Agare ari mupfungwa dzako. Nepfungwa dzako dzigarevo dziri paari. Ndiko kuti ubudirire muhupenyu hwako. Kubudirira kwako uku kunozobuda pachena. Kuchivonekwa nevanhu vose".

Mundima iyi muna mashoko anoti, "kubuda pachena". Mashoko aya anoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, "phaneros". Shoko iri rinoreva kupararira. Rinoreva kuita mukurumbira. Kana kuzikanwa nevanhu vose. Ndizvo zvinoitikavo kana uchinge wawedzerwa nyasha dzaMwari. Hunyanzvi hwako hunozowedzera. Unozotanga kugona kuita mabasa akawanda. Fuma yako inozowedzeravo. Ichizovonekwa nevanhu vose. Vanhu vanozokuremekedza. Mukurumbira wako unozokura. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Manditaridza kuti ndingawedzera sei. Nyasha dzangu dzinowedzera. Ndinogara ndichiwedzera kunzwisisa Ishe Jesu. Mweya wangu unowedzera kunzwisisa Shoko raMwari. Saka hunyanzvi hwangu hunowedzera. Ndinofarirwa nedenga. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Jemusi 4 ndima 6
2 Pita 1 ndima 2
Vakorose 1 ndima 9 kusvika 10

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church