7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Wakazvarwa Wava Mumwari

China, 26 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Saka kana munhu ava muna Muponesi. Yava imwevo mhuka. Itsva. Zvaakanga ari kare hazvichisipo. Tarisa uvone. Zvavapo zvose zvava zvitsva" (2 Vakorinde 5 ndima 17).

Kuda iwe wakazvarwa kechipiri. Izvi zvinoreva kuti wakanyikwa muna Muponesi. Muna Muponesi ndimo mawava. Izvi ndizvo zvatinoziviswa neBhaibheri. Tinoverenga mashoko aro muna Varoma yetanhatu ndima yetatu. Inoti, "Hamuzvizivi here? Kuti isu vaya. Vakanyikwa muna Muponesi Jesu. Vakaputirwa mavari. Takafa pamwe chete navo?". Vagaratiya yetatu ndima yemakumi maviri nenomwe inoti, "Nokuti mapfeka Muponesi. Iyemi venyu vakanyikwa muna Muponesi".

Kureva kuti iwe wakazvarirwa muna Mwari. Wakazvarwa wava Mumwari. Izvi ndizvo zvakaitika pawakazvarwa kechipiri. Ipapo pawakazvarwa naMweya Mutsvene. Vachishandisa Shoko raMwari. Wakatobuda uri muna Muponesi. Ndiko kusaka tsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko cheshanu ndima yegumi nenomwe ichiti, "Saka kana munhu ava muna Muponesi. Yava imwevo mhuka. Itsva".munhu uyu anenge azvarwa kechipiri. Saka anenge ashanduka rudzi. Anenge ava werudzi rwaMwari. Anenge ava weropa raMwari.

Saka vabereki vako ndivo vakatanga kukuzvara. Apa ndipo pawakauya uri weropa renyika ino. Asi wakazozvarwa kechipiri. Mwari ndivo vakanga vari kukuzvara apa. Ndipo pawakauya wava weropa reVamwari. Kureva kuti hauchisiri weropa renyika ino. Wava weropa reVamwari. Izvi ndizvo zvatinodzidziswa neBhaibheri. Unofanira kuzvinzwisisa. Zvisizvo hauzogoni kurarama hupenyu hweVamwari. Ndiko kusaka tsamba yaJohane yekutanga chitsauko cheshanu ndima yegumi nenhatu ichiti, "Ndakakunyorerai zvinhu izvi. Iyemi vakagamuchira zita reMwanakomana waMwari. Kuti muzive kuti mava nehupenyu husingaperi. Mava veropa raMuponesi". Mweya Mutsvene ndivo vakataura mashoko aya. Vakashandisa Johane kuanyora.

Iwe wava weropa raMwari. Mwari vanoda kuti unzwisise izvi. Zvirwere hazvigoni kugara muvanhu veropa iri. Ropa iri rinouraya zvirwere. Vanhu veropa iri havagoni kuparadzwa. Havabati zvirwere. Havafi. Asi iwe ungasaziva izvi. Unozongorarama semunhu wenyika ino. Unozongotambudzwa nezvinhu zvinotambudza vasina Muponesi.

Ndiko kusaka uchifanira kunzwisisa zvinoreva kuzvarwa kechipiri. Munhu angava akazvarwa kechipiri. Munhu uyu anenge atoshanduka rudzi. Anenge ava weropa raMuponesi. Anenge asisafi. Anenge asisiri munhu wenyika ino. Anenge ava Mumwari. Mwari ngavaropafadzwe!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Mandibatsira kunzwisisa hupenyu husingaperi. Ihwohwo hune vanhu veropa reVamwari. Ivo vanhu vaya vari muna Muponesi Jesu. Ndava kunzwisisa kuti mweya wangu wava weropa reVamwari. Wava werudzi rwaMwari. Saka zvirwere hazvichagoni kundibata. Rima harichagoni kundikurira. Ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndichirarama hupenyu hweVamwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Johane 3 ndima 6
1 Johane 5 ndima 11 kusvika 12
Varoma 6 ndima 4

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church