English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 

Gara Pfungwa Dzako Dziri PaShoko RaMwari

Chishanu, 24 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Pakutanga Mwari vakasika denga. Nenyika. Asi nyika iyi yakazenge isisina chimiro chakanaka. Isisina chinhu mairi. Yaputirwa nemvura. Mvura yacho yakanga yakadzika dzika. Pamusoro payo paine rima guru. Uye Mweya vaMwari vakanga vakavatira pamusoro pemvura iyi. Vakaifunhira. Mwari vakazotaura. Vakati, Chiedza! Ivapo! Chiedza chikavapo (Genesi 1 ndima 1 kusvika 3).

Unofanira kugara pfungwa dzako dziri paShoko raMwari. Ndiko kuti ugare uchivona minana muhupenyu hwako. Shoko raMwari ndiro rakasika denga. Ndiro zvekare rakasika nyika. Mwari vanovonekwa nenzira dzakasiyana siyana. Ivo vanovonekwavo muShoko ravo. Ndiyo imwe nzira yavanovonekwa nayo. Vanovonekwa muShoko ravo. Uye vanoshandisa Shoko ravo kuita zvinhu. Saka Shoko raMwari ringava pane imwe nzvimbo. Mwari vanenge vachitovavo panzvimbo iyi.

Shoko raMwari rakasiyana neshoko revanhu. Shoko raMwari hunotova hupenyu. Rinotova simba. Rinotova chiedza. Rinotova chokwadi. Rinotova Mwari pachavo. Saka isa pfungwa dzako pariri. Unenge uri kutoisa pfungwa dzako pana Mwari kana uchidai. Isaya yemakumi maviri netanhatu ndima yetatu inoti, Munhu anoramba pfungwa dzake dzakati kwati kwati nemi, munomuchengeta ari murugare chairwo nokuti anovimba nemi.

Iwe unofanira kugara pfungwa dzako dziri paShoko raMwari. Ndiko kutogara pfungwa dzako dziri pana Mwari ikoko. Ungazosangana hako nezvinhu. Zvinhu zvacho zvingava zvisina kukunakira. Iwe haufaniri kunetseka. Mwari ndivo voga vaunofanira kuvona. Meso ako anofanira kugara ari pavari. Kureva kuti Shoko ndiro raunofanira kutarisa pariri. Shoko iri ndiro rinofanira kunge riri mupfungwa dzako. Minana ndiyo yaunozongosangana nayo. Mushoko ndimo mune masimba aMwari.

Ndiko kusaka Mweya Mutsvene vasina chavanoita vasingashandisi Shoko raMwari. Mwari ava ndivo vakasika denga nenyika. Izvi ndizvo zvatinovona muna Genesi yekutanga. Apa nyika yakanga yazonyangara. Isisina chimiro. Yakaputirwa nemvura. Yakaputirwa nerima. Mweya vaMwari vakatanga kufamba famba pamusoro pemvura iyi. Asi hapana chakashanduka. Rima rakaramba riripo. Zvinhu zvakaramba zvakangonyangara. Mwari vakazotaura Shoko ravo. Zvinhu ndipo pazvakazonaka.

Mwari vakabva vataura. Vakati, Chiedza! Ivapo! Chiedza chikavapo. Mweya vaMwari vakabva vaita kuti chiedza chiuye. Vakaita izvi mushure mekunge Mwari vataura. Izvi zvinotaridza simba reShoko raMwari. Zvinotaridzavo kuti Shoko iri rakakosha. Gara pfungwa dzako dziri paShoko raMwari. Ritaure. Ndiko kuti Mweya Mutsvene vashande. Vanoshanda chete kana Shoko richinge rataurwa. Saka rarama neShoko raMwari. Ndiko kuti zvinhu zvikuru zviitike muhupenyu hwako. Uchizokurira zvinhu zvaunosangana nazvo. Uchirarama hupenyu hwawakarongerwa naMwari.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rine simba. Ndinoisa moyo wangu paShoko iri. Ndinoisa pfungwa dzangu pariri. Nokudero ndine rugare rukuru. Shoko renyu rinondiwanisa zvarinovimbisa. Shoko renyu ndihwo hupenyu hwangu. Saka hapana chandinovona ndichikoniwa kuita. Ndinorarama hupenyu hwakanakisisa. Ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndinotonga zvinhu zvenyika ino. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Joshua 1 ndima 8
Vakorose 3 ndima 16
Vahebheru 4 ndima 12 kusvika 13

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa ndima https ndima //bit.ly/Shona_Church