Chigarwe English Ndau Ndebele Shona 


Wakashongedzwa NeSimba ReVamwari

Chishanu, 30 Chivabvu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi muchawana simba. Muchariwana kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu. Muzokona kuwa zvapupu zvangu. Muzondipupurira muJerusarema. MuJudhiya rese. MuSamariya. Kusvikira kumigumo yenyika (Mabasa 1 v 8).

Mweya Mutsvene anokona kuuya pamunhu. anokonawo kuuya kuzogara mumunhu. Zviiri izvi zvakasiyana. Izvozvi anouya hawo pamunhu. Asi anenge ari kuda kuzogara mumunhu uyu. akatanga kuita izvi muna Mabasa yechipiri. Apa ndipo paya paakaburuka kudenga. achizopinda muadzidzi aJesu. Izvi ndizvo zvaakaitawo patiri. awa kugara matiri. MuSungano yeKare aiuya pamunhu. Asi aiuya achida kuti munhu wacho aite basa. Iri rainge riri basa raainge amupa.

Izvi ndizvo zvatinoona pana Erizabheti. Mweya Mutsvene akauya paari. Iye akabva azara Mweya Mutsvene. Tinoerenga izvi muna Ruka 1 v 41. Inoti, Erizabheti akazwa izwi raMariya. Mwana wake akabva akwakuka. Akakwakuka ari mudumbu. Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene akambouyawo pana Samusoni. akabva amupa simba. Iri rakanga riri simba rekuita zvinoshamisa. Asi apa haana kubva azadzwa naMweya Mutsvene aya. Izvi ndizvo zvatinoona muna Vatongi 14 v 6. Inoti, Mweya waTenzi wakauya paari nesimba guru kwazvo akabva atsemura shumba yacho napakati kunge munhu ari kutsemura mbudzana chaiyo. Asi akanga asina chimweni chiro mumaoko. Haanaba kutaurira baba kana amai ake zvaakanga aita.

Iwe wakagamuchira Mweya Mutsvene. Izvi zvinorewa kuti une simba rawawa naro. Iri isimba rekuita minana. Mabasa 1 v 8 yati, Asi muchawana simba . Muvhesi iyi mune soko rekuti simba. Soko iri rinoturikirwa kubva kusoko reChigiriki. Soko reChigiriki racho nderinoti, dunamis. Soko iri rinorewa simba. Asi iri isimba rinogadzirisa zviro.

Iwe une simba rawawa naro. Iri isimba rekugadzirise zviro. Izvi ndizvo zviri kutaurwa naMwari. Saka sei uri kuchema? Sei usiri kugadzirisa zvinokunetsa zvacho? Sei uchiri kuchema kuti Mwari akubatsire? Izvi hazvisizvo zvaunofanira kuitaba. Ndiwe unofanira kugadzirisa zviro zvacho. Saka zvigadzirise.

Nhume dzaJesu dzakagamuchira Mweya Mutsvene. Dzakabva dzararama seanhu aiwa naMweya Mutsvene maari. umwe neumwe wawo akatanga kurarama hupenyu hweVamwari. Hupenyu uhu ndihwo hwaakakupa iwe. Wakazara Mweya Mutsvene. Saka wawa nesimba reVamwari. Kurewa kuti wawa kukona kugadzirisa zvieo. Wawa kukona kurarama seMumwari.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandizadza Mweya wenyu. Mukandipa simba reVamwari. Saka ndaa kukona kugadzirisa zviro. Ndinorarama semunhu akagarwa naMweya Mutsvene. Saka ndinoshandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Simba renyu rava kuonekwa pandiri. Imi maa kuonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Ruka 24 ndima 49
Mabasa 2 ndima 8
Vaefeso 3 ndima 14 kusvika 16

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church