7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Ruponeso Runofanire Kuparidzwa Negkukasika
Chipiri, 9 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Ngekuti ndine basa. Ndiro randakatumwe kuzoita. Ndinofanire kuriita achiri masikati. Husiku huchauya. Hapanaba anonga achakona kushandaba” (Johane 9 v 4).
Nguwa ipfuma. Ndiyo imweni yepfuma huru yaunayo. Hino une basa raunofanire kuita. Basa iri rinofanire kukasira kupera. Kurewa kuti unofanire kushandisa nguwa yako nehungwaru. Ishe Jesu aizwisisa izvi. Iwo aiita basa raMwari. Aitsvake kuriita achiri masikati. Kurewa kuti aikoshesa nguwa. Achizwisisawo kuti basa iri raiwa nenguwa yaraifanire kupera. Futi kuti nguwa yacho yakanga iri fupi.
Isu tichine chanzi yekuparidza Ruponeso. Asi chanzi iyi pane paichapera. Madhoo pane paachavharwa. Ndiko kusaka uchifanire kuparidza Ruponeso nekukasira. Vhenekere nyika yako izvozvi. Ivhenekere ngechiedza chaMuponesi.
Usaerengeraba kuparidze soko reRuponeso. Amweni anhu angazofa asina kurizwa. Anhu aya angaa aunoshanda nawo. Angaa awakidzani ako. Ingaa shamwari yako. Anhu aya angasazowana umweni mukana wekuzwa soko reRuponeso iri. Iwe ndiwe chiedza chawo. Pauri ndipo paanofanira kuona Mwari. Ndiwe uripo kuabvisa murima. Uchiapinza murusungunuko rweanakomana aMwari. Irwo rusungunuko rwuya rwakagadzirirwa Vamwari. Saka paridzira anhu aya. Usaarekera achienda asina Mwari. Kune anhu anorarama asina Mwari. Anhu aya ane nhamo. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Vaefeso 2 v 12. Inoti anhu aya haanaba tariro yehupenyu hwakanaka. Ane nhamo. Akangomirira kuparadzwa. Asi iwe ndiwe unokona kuabatsira. Ndiwe unokona kuanunura.
Ino haisiba nguwa yekuita unyopeba. Inguwa yekushanda ngesimba. Inguwa yekupedzise kuparidze Ruponeso munyika dzese. Denga riri kumhanya mhanya. Newewo unofanire kunge uri kumhanya mhanya. Hapachinaba nguwa yekutambisa. Munhu umwe neumwe akakosha. Saka tungamirirwa naMweya Mutsvene. Ngaakutungamirire kugara uchiparidza Ruponeso nguwa dzese. Hausiba kuzoramba uchiona mikana yekuparidza iyi.
Rangarire masoko aTenzi. Iwayo ataerenga muvhesi yatabeura nayo. Iwo akati, “Nekuti ndine basa. Ndiro randakatumwa kuzoita. Ndinofanire kuriita achiri masikati. Husiku huchauya. Hapanaba anenge achakona kushanda”. Husiku huri kuuya hahwo. Asi izvozvi tisu tiri kupenya. Tichiparidze Soko raMwari. Tichitendeusa atadzi. Tichiaunze kukururama. Muponesi akafarira anhu. Izvi ndizvo zvinotituma kutendeuse anhu. Iri rinotowa basa rakaiswa mumaoko edu. Tinosungirwa kuparidza Ruponeso. Tingatoparara kana tikasariparidza. Goho remweya razara mudzinyika umo. Isu tisu akohwi acho.
Pupura Uchiti
Ndinozwisisa kuti Ruponeso runofanire kukasire kuparidzwa. Saka ndinoruparidza nekukasira. Ndinokoshese nguwa yaMwari. Saka ndinoshandisa mikana yese kuparidza Ruponeso. Kuvheneka. Ndichiunze anhu kuna Mwari. Handisiba kuzoerengera. Handisiba kuzonyarara. Hareruya!
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
2 VaKorinte 6:1-2; 1 VaKorinte 9:16; VaRoma 13:11-12
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)