7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Shingaire Kuponese anhu

Muvhuro, 15 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“… Endai munoite zvemunoita nemari iyi. Ndichapetuka. Mozondipa zvamunenge mashanda” (Ruka 19 v 13).

Ishe Jesu ndiwo akataure masoko atabeura nawo ayo. Ane anhu aakanga ari kutaura kweari. Aitaure kuanhu aya pamusoro penyika yaMwari. aishandise mifananidzo kutsanangura nyika iyi. Apa akanga ari kutikurudzire kushingirire kuponese anhu. akanga ari kutikurudzira kutora dzinyika. Kuunze akawanda munyika yawo. Nekushandisa soko reRuponeso kushandura dzinyika. Tichiita izvi kusvika iwo apetuka.

Soko reRuponeso rakaiswa mumaoko ako. Izvi zvinorewa kuti une basa. Basa racho iguru maningi. Izvi ndizvo zvatinoona mutsamba yaPauro kuna Timoti chitsauko 1 vhesi 11. Inoti, “Dzisingawirirani nesoko reruponeso rwaMwari akaropafadzwa. Iro rakaiswa mumaoko angu”. Saka paridze soko reRuponeso. Kune anhu asati arizwa. Pachine nzvimbo dzatichiri kufanire kusvika. Pachine anhu anofanire kuponeswa. Saka chirekera kundogara. Chirekera kuarairwa.

Rarame semunhu akamirira kupetuka kwaTenzi. Mariko 13 v 35 kusvika 37 inoti, “Saka imi garai makarindira. Muridzi weimba achapetuka. Asi hamuziyi musi waapetukaba. Angauya zuwa richangopota. Angauya pakati pehusiku. Angauya kwakunoedza. Angauya ari mangwanani. Nekuti achakaruka auya. Angazokuwanai makarara. …”. Tenzi ari kupetuka. Ngaasaona wakararaba. Ngaasaona pasinaba chauri kuita. Ngaakuone uchishanda.

Iwo akataura muna Johane 9 v 4 achiti, “Nekuti ndine basa. Ndiro randakatumwa kuzoita. Ndinofanire kuriita achiri masikati. Husiku huchauya. Hapanaba anenge achakona kushanda”. Saka iwo Jesu aishingaira. achishanda mabasa awo. Izvi ndizvo zvatinofanirawo kuita isu. Tinofanira kunge tiri kushingaira. Tichitendeusa anhu. Iwa muranda uya akatendeka. Iyeye anogara achishingaira. Achitendeusira anhu kuruponeso. Iwe uri chapupu. Ndiwe unopupurira kumuka kwaMuponesi. Wakatoshongedzerwa kuita basa iri.

Mabasa 1 v 8 inoti, “Asi muchawana simba. Muchariwana kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu. Muzokona kuwa zvapupu zvangu. Muzondipupurira muJerusarema. MuJudhiya rese. MuSamariya. Kusvikira kumigumo yenyika”. Iwe ungaa uri kusvitse soko reRuponeso kuanhu. Mweya Mutsvene ndiwo anozokupa simba racho. Ndiwo anozokupa mazano. Ndiwo anozokushingisa. achikutungamirira.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makaise soko reRuponeso mumaoko angu. Mukandipa Mweya venyu. Mweya aya ndiwo anondipe simba rekupupurira Muponesi. Ndinoshandisa mazano eVamwari pakurarama kwangu. Ndinoshanda nekukasika. Ndichitore nyika. Ndichishandure hupenyu hweanhu. Ndichishingirire kuunze anhu kunyika yenyu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaRoma 1:16; Johane 9:4 NIV; Marko 16:15-16


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)