Chigarwe English Ndau Ndebele Shona 


Wakashongedzwa NeSimba ReVamwari

Chishanu, 30 Chivabvu 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi muchawana simba. Muchariwana kana Mweya Mutsvene vauya pamusoro penyu. Mugogona kuva zvapupu zvangu. Mugondipupurira muJerusarema. MuJudhiya rose. MuSamariya. Kusvikira kumigumo yenyika (Mabasa 1 ndima 8).

Mweya Mutsvene vanogona kuuya pamunhu. Vanogonavo kuuya kuzogara mumunhu. Zviviri izvi zvakasiyana. Ikozvino vanouya havo pamunhu. Asi vanenge vari kuda kuzogara mumunhu uyu. Vakatanga kuita izvi muna Mabasa yechipiri. Apa ndipo paya pavakaburuka kudenga. Vachizopinda muvadzidzi vaJesu. Izvi ndizvo zvavakaitavo patiri. Vava kugara matiri. MuSungano yeKare vaiuya pamunhu. Asi vaiuya vachida kuti munhu wacho aite basa. Iri rainge riri basa ravainge vamupa.

Izvi ndizvo zvatinovona pana Erizabheti. Mweya Mutsvene vakauya paari. Iye akabva azara Mweya Mutsvene. Tinoverenga izvi muna Ruka yekutanga ndima yemakumi mana neimwe chete. Inoti, Erizabheti akanzwa inzwi raMariya. Mwana wake akabva akwakuka. Akakwakuka ari mudumbu. Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene vakambouyavo pana Samusoni. Vakabva vamupa simba. Iri rakanga riri simba rekuita zvinoshamisa. Asi apa haana kubva azadzwa naMweya Mutsvene ava. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vatongi yegumi nena ndima yetanhatu. Inoti, Mweya waTenzi wakauya paari nesimba guru kwazvo akabva atsemura shumba yacho napakati kunge munhu ari kutsemura mbudzana chaiyo. Asi akanga asina chimwe chinhu mumaoko. Haana kutaurira baba kana amai vake zvaakanga aita.

Iwe wakagamuchira Mweya Mutsvene. Izvi zvinoreva kuti une simba rawava naro. Iri isimba rekuita minana. Mabasa yekutanga ndima yesere yati, Asi muchawana simba . Mundima iyi mune shoko rekuti simba. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, dunamis. Shoko iri rinoreva simba. Asi iri isimba rinogadzirisa zvinhu.

Iwe une simba rawava naro. Iri isimba rekugadzirisa zvinhu. Izvi ndizvo zviri kutaurwa naMwari. Saka sei uri kuchema? Sei usiri kugadzirisa zvinokunetsa zvacho? Sei uchiri kuchema kuti Mwari vakubatsire? Izvi hazvisi izvo zvaunofanira kuita. Ndiwe unofanira kugadzirisa zvinhu zvacho. Saka zvigadzirise.

Nhume dzaJesu dzakagamuchira Mweya Mutsvene. Dzakabva dzararama sevanhu vaiva naMweya Mutsvene mavari. Mumwe nemumwe wavo akatanga kurarama hupenyu hweVamwari. Hupenyu uhu ndihwo hwavakakupa iwe. Wakazara Mweya Mutsvene. Saka wava nesimba reVamwari. Kureva kuti wava kugona kugadzirisa zvinhu. Wava kugona kurarama seMumwari.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandizadza Mweya venyu. Mukandipa simba reVamwari. Saka ndava kugona kugadzirisa zvinhu. Ndinorarama semunhu akagarwa naMweya Mutsvene. Saka ndinoshandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Simba renyu rava kuvonekwa pandiri. Imi mava kuvonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Ruka 24 ndima 49
Mabasa 2 ndima 8
Vaefeso 3 ndima 14 kusvika 16

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church