Chigarwe English Manyika Ndau Ndebele Shona 

Iwo anoziya Zvese

Svondo, 8 Gunyana 2024

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Asi kana Mweya aya. anotaura shuwa. azouya. achakujekeserai shuwa yese. Kuti murarame nayo. anenge asiri kutaura zvawo. Asi zvaakazwa. Futihe, achakuziyisai zviro zvichauya (Johane 16 v 13).

Amweni anhu angarwara. Kazhinji anenge asingaziyi zvinenge zviri kuarwarisa. Saka anotenga mishonga. Imweni yemishonga iyi inotozoatutsira kurwara. Anhu aya angasazopora. Anobva ashamisika nazvo. achiti, Sei ndiri kutambura kudai? Ngendaa yei ndichirwara kudai? Sei izvi zviri kuitika kwandiri?.

Mweya Mutsvene ndiwo awakatumirwa. aripo kukuziyisa zviro zvese. Ndiwo anokuziyisa nezvehutano hwako. anokona kukubatsira kuzwisisa zvinenge zviri kuitika mumwiri wako. achizokuziyisazve kuti ungazvigadzirisa sei. Mweya Mutsvene aya murapi. Wanga uchizviziya ere? Iwe ungaa naMweya Mutsvene aya mauri. anozoraramisa mwiri wako wenyama. Izvi ndizvo zvinotaurwa ngeBhaibheri. Saka ungabatwa chirwere. Usanetseka hako. Mweya Mutsvene waakugara mauri. Saka unopora basi. Mwari ngaakudzwe saMwari.

Kuda une zvidzidzo zvauri kuita. Mweya Mutsvene ndiwo ticha wako. Ndiwo ticha anogara mukati mako. Iwo anoziya zvese. Saka unofanira kuateerera. Ndiwo ane mazano ese aMwari. Ndiwo anoziya zvese. Ndiwo anozwisisa zvese. anokona kukubatsira kuziya zvinodikanwa naMwari. anokona kukupa mazano aMwari. anokona kukubatsira kuzwisisa zviro zvemweya. Indoakumbira kuti akubatsire.

Mweya Mutsvene aripo kukubatsira. anoda kukubatsira muzviro zvese zvehupenyu. anokubatsira mumabasa ako. anokubatsira kuchengeta mhuri yako. anokubatsira kuchengeta mari yako. akauya kuzokubatsira kukurira zviro zvenyika ino. achikuita munhu anoshamisa maningi. Mweya Mutsvene inotowa pfuma. Ndiyo pfuma yako huru panyika pano. Iwo anokufundisa Soko raMwari. achikurangaridza zvawakafunda.

Mweya Mutsvene anokutungamirira. anokutungamirira paya paunenge uri kunamata. achikupangidza zvichauya mangwana. Saka hazvikoni kuti ukurirwe. Hazvikoniba kuti ukorere. Rarama semunhu anoziya kuti iwo anogara mauri. Futi anewe nguwa dzese. Izvozvo zvinozoita kuti iwo atutsire kushanda muhupenyu hwako. Iwe unokona kutotaurirana nawo. Anotaurika nawo kudarike amweni anhu ese. Iwo ndiwo mudzidzisi wako. Mudzidzisi wako anogara ainewe. Ndiwo mubatsiri wako. Ndiwo mutungamiriri wako. Saka atende.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Mweya Mutsvene ari kushanda muhupenyu hwangu. achindibatsira kukurira zvandinosangana nazvo muhupenyu. Mungava mumari dzangu. Kana muhutano. Kana kubasa. Kana mumhuri. Kana mushumiro yangu. Ndinogara ndichiteerera kwaari. Ndichitsvake kuziya zvaanoda kuti ndiite. Ndinoshandisa mazano aMwari pakurarama kwangu. Ndinoziya zvandinofanira kuita muhupenyu. Saka ndinorarama hupenyu hwandakarongerwa muna Muponesi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Johane 16 ndima 13 AMPC
Johane 14 ndima 26
VaRoma 8 ndima 26 kusvika 27 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church