7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Kukosha KweMweya WeMunhu
Chipiri, 2 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Nokuti munhu angawana zvake nyika yose. Nyika iyi ikawa yake. Asi hupenyu hwake hwoparara. Chaanenge agona chii?” (Mako 8 ndima 36).
Mwari vanokoshesa mweya wemunhu. Vanomukoshesa kudarika pfuma yose yenyika yino. Vanomukoshesa kudarika masimba yose yenyika yino. Ichi ndicho chokwadi. Asi chinoshamisa zvikuru. Hapana chinhu chinokosha semweya wemunhu. Johwani yechitatu ndima yegumi netanhatu inoti, “Nekuti Mwari vakada nyika. Vakasvika pakuipasa Mwanakomana wavo. Anova ndiye oga wavakanga vazvara. Vaida kuti anhu vamugamuchire. Vasazoparara. Asi vawane hupenyu husingaperi”.
Ishe Jesu havanayi kupfira zvinhu zvenyika yino. Havanayi kupfira zvivakwa. Havanayi kupfira miti nesora. Vakapfira anhu. Saka mweya wemunhu mubodzi nomubodzi wudokosha. Mwari vanokoshesa munhu wose. Havanangare kwaadobva. Havanangare hunhu hwake. Vanongomukoshesa chete. Munhu akakosha semurombe waMuponesi Jesu. Izvi ndizvo zvatinonangara mutsamba yekutanga yaPita chitsauko chekutanga ndima yegumi nesere kusvika yegumi nepfumbamwe. Ineti, “Nokuti munoziya kuti hamunayi kuponesewa nezvinhu zvinowora. Zvakaita sesirivheri. Kana ndarama. Ipo paya pamakabvisiwa kubva pahupenyu hwenyu hwekare. Hwakanga husinayi chahunobudisa. Hwamakatora kumadzibaba yenyu. Asi makaponesewa nemurombe waMuponesi. Iro gwayana riya. Risinayi chitadzo. Risinayi ruvara kana charingapomehwa”.
Iweiwe unofanira kunzvisisa kukosha kwemweya wemunhu. Kuparidzira shoko reRuponeso haizovi tsika. Inozova nzira yako yekurayikidza kuti unofarira anhu. Unozochemera vadotayika. Unozovanyengeterera vese. Hauzozorori. Unozotsvaga kuti usvitse Ruponeso kwavari vose. Satani anotsvaga kuti anhu vasafunga nezvedenga. Saka anovavarayidza nepfuma ,mapfaro nemukurumbira wenyika yino. Asi iweiwe uri mwana waMwari. Usavarayidziwa nezvinhu izvi. Koshesa munhu mubodzi nomubodzi . Munangare sepfuma huru. Iyo pfuma inofanira kuunziwa kuna Mwari.
Bhaibheri rine yamwe mashoko zvekare. Aya mashoko anorayikidza kukosha kwemweya wemunhu. Tinoayerenga muna Ruka yegumi neshanu ndima yenomwe. Inoti, “Ndizvo zvisayitikawo kudenga. Pangaponesewa mutadzi. Mutadzi uyu angava mubodzi chete. Vari kudenga asapembera. Asi pangava neamwe. Ava vangava vakatendeuka kare. Ivavo vangasapembererehwa. Kunyangwe zvavo vadowanda. Vasisvika makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe”. Saka mutadzi mubodzi angaponesewa. Denga rose rinozopemberera. Saka tinofanira kugara tisitendeusa anhu. Tinotofanira kushingaira kuita izvi. Tisitsvaga kuunza mufaro kudenga. Saka iva netsika yekutendewutsa anhu. Ponesa anhu. Sungunura mweya yeanhu kubva kurima. Vapinze muchiyedza. Vabvise kubva kuna Satani. Usivaunza kuna Mwari. Hapanayi basa rinogutsa kudarika iri.
Namata Usiti
Baba vekudenga. Ndinokutendayi. Mavhura meso yangu. Saka ndaa kunangara anhu sekuvanangara kwamunoita imi. Mandibatsira kunzvisisa kukosha kwemweya wemunhu. Izvi zviri kundipasa shungu dzekubatsira vadotayika. Ndisiaparidzira Ruponeso. Ndisiabvisa murima. Ndisiapinza muchiyedza. Muzita raJesu. Ameni.
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Ruka 15 ndima 7
Johwani 3 ndima 16–17
Jemusi 5 ndima 20
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)