7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Kukosha KweMweya WeMunhu

Chipiri, 2 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Nekuti munhu angaona hake nyika yese. Nyika iyi ikawa yake. Asi hupenyu hwake hwoparara. Chaanenge akona chii?” (Mariko 8 v 36).

Mwari anokoshesa mweya wemunhu. Anomukoshesa kudarike pfuma yese yenyika ino. Anomukoshesa kudarike masimba ese enyika ino. Ichi ndicho chokwadi. Asi chinoshamisa maningi. Hapanaba chiro chinokosha semweya wemunhu. Johane 3 v 16 inoti, “Nekuti Mwari akada nyika. Akasvika pakuipa Mwanakomana wawo. Anowa ndiye ega wawakanga abarwa. Aide kuti anhu amugamuchire. Asazoparara. Asi awane hupenyu husingaperiba”.

Ishe Jesu haanaba kufire zviro zvenyika ino. Haanaba kufira zviwakwa. Haanaba kufire miti nebundo. Akafire anhu. Saka mweya wemunhu umwe neumwe wakakosha. Mwari anokoshesa munhu wese. Haanangisiba kwaakabva. Haanangisiba hunhu hwake. Anongomukoshesa basi. Munhu akakosha seropa raMuponesi Jesu. Izvi ndizvo zvatinoona mutsamba yekutanga yaPita 1 v 18 kusvika 19. Inoti, “Nekuti munoziya kuti hamunaba kuponeswa nezviro zvinoora. Zvakaita sesirivheri. Kana ndarama. Ipo paya pamakabviswa kubva pahupenyu hwenyu hwekare. Hwakanga husinaba chahunobudisa. Hwamakatora kumadzibaba enyu. Asi makaponeswa neropa raMuponesi. Iro gwayana riya. Risina chitema. Risina kala. Kana charingapomerwaba”.

Iwe unofanire kuzwisisa kukosha kwemweya wemunhu. Kuparidze soko reRuponeso haizowiba tsika. Inozowa nzira yako yekupangidza kuti unofarire anhu. Unozochemera akarasika. Unozoanyengeterera ese. Hauzozororiba. Unozotsvake kuti usvitse Ruponeso kwaari ese. Satani anotsvake kuti anhu asafunga nezvedenga. Saka anowawaraidza nepfuma. Nemafaro. Nemukurumbira wenyika ino. Asi iwe uri mwana waMwari. Usaaraidzwa nezviro izvi. Koshesa munhu umwe neumwe. Muone sepfuma huru. Iyo pfuma inofanira kuunzwe kuna Mwari.

Bhaibheri rine amweni masokohe. Aya masoko anopangidza kukosha kwemweya wemunhu. Tinoaerenga muna Ruka 15 v 7. Inoti, “Ndizvo zvichaitikawo kudenga. Pangaponeswa mutadzi. Mutadzi uyu angaa umwe basi. Ari kudenga achapembera. Asi pangaa neamweni. Aya angawa akatendeuka kare. Iwawo angasapembererwa. Kunyangwe zvawo akawanda. Achisvika 99”. Saka mutadzi umwe basi angaponeswa. Denga rese rinozopemberera. Saka tinofanire kugara tichitendeuse anhu. Tinotofanire kushingaira kuita izvi. Tichitsvaka kuunze mufaro kudenga. Saka iva netsika yekutendeusa anhu. Ponese anhu. Sungunura mweya yeanhu kubva kurima. Apinze muchiedza. Abvise kubva kuna Satani. Uchiaunza kuna Mwari. Hapanaba basa rinogutse kudarika iri.

Namata Uchiti
Baba ekudenga. Ndinokutendai. Mabeura madziso angu. Saka ndaa kuona anhu sekuaona kwamunoita imi. Mandibatsira kuzwisisa kukosha kwemweya wemunhu. Izvi zviri kundipa shungu dzekubatsira akarasika. Ndichiaparidzira Ruponeso. Ndichiabvisa murima. Ndichivapinze muchiedza. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Ruka 15:3-7; Johane 3:16-17; Jakobo 5:20


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)