7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Kukosha KweMweya WeMunhu
Chipiri, 2 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Nokuti munhu angawana hake nyika yose. Nyika iyi ikava yake. Asi hupenyu hwake hwoparara. Chaanenge agona chii?” (Mariko 8 ndima 36).
Mwari vanokoshesa mweya wemunhu. Vanomukoshesa kudarika fuma yose yenyika ino. Vanomukoshesa kudarika masimba ose enyika ino. Ichi ndicho chokwadi. Asi chinoshamisa zvikuru. Hapana chinhu chinokosha semweya wemunhu. Johane yetatu ndima yegumi netanhatu inoti, “Nokuti Mwari vakada nyika. Vakasvika pakuipa Mwanakomana wavo. Anova ndiye oga wavakanga vazvara. Vaida kuti vanhu vamugamuchire. Vasazoparara. Asi vawane hupenyu husingaperi”.
Ishe Jesu havana kufira zvinhu zvenyika ino. Havana kufira zvivakwa. Havana kufira miti nebundo. Vakafira vanhu. Saka mweya wemunhu mumwe nemumwe wakakosha. Mwari vanokoshesa munhu wose. Havatarisi kwaakabva. Havatarisi hunhu hwake. Vanongomukoshesa chete. Munhu akakosha seropa raMuponesi Jesu. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yekutanga yaPita chitsauko chekutanga ndima yegumi nesere kusvika yegumi nepfumbamwe. Inoti, “Nokuti munoziva kuti hamuna kuponeswa nezvinhu zvinovora. Zvakaita sesirivheri. Kana ndarama. Ipo paya pamakabviswa kubva pahupenyu hwenyu hwekare. Hwakanga husina chahunobudisa. Hwamakatora kumadzibaba enyu. Asi makaponeswa neropa raMuponesi. Iro gwayana riya. Risina chitema. Risina ruvara. Kana charingapomerwa”.
Iwe unofanira kunzwisisa kukosha kwemweya wemunhu. Kuparidza shoko reRuponeso haizovi tsika. Inozova nzira yako yekutaridza kuti unofarira vanhu. Unozochemera vakarasika. Unozovanyengeterera vose. Hauzozorori. Unozotsvaka kuti usvitse Ruponeso kwavari vose. Satani anotsvaka kuti vanhu vasafunga nezvedenga. Saka anovavaraidza nefuma. Nemafaro. Nemukurumbira wenyika ino. Asi iwe uri mwana waMwari. Usavaraidzwa nezvinhu izvi. Koshesa munhu mumwe nemumwe. Muvone sefuma huru. Iyo fuma inofanira kuunzwa kuna Mwari.
Bhaibheri rine mamwe mashoko zvekare. Aya mashoko anotaridza kukosha kwemweya wemunhu. Tinoaverenga muna Ruka yegumi neshanu ndima yenomwe. Inoti, “Ndizvo zvichaitikavo kudenga. Pangaponeswa mutadzi. Mutadzi uyu angava mumwe chete. Vari kudenga vachapembera. Asi pangava nevamwe. Ava vangava vakatendeuka kare. Ivavo vangasapembererwa. Kunyangwe zvavo vakawanda. Vachisvika makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe”. Saka mutadzi mumwe chete angaponeswa. Denga rose rinozopemberera. Saka tinofanira kugara tichitendeusa vanhu. Tinotofanira kushingaira kuita izvi. Tichitsvaka kuunza mufaro kudenga. Saka iva netsika yekutendeusa vanhu. Ponesa vanhu. Sungunura mweya yevanhu kubva kurima. Vapinze muchiedza. Vabvise kubva kuna Satani. Uchivaunza kuna Mwari. Hapana basa rinogutsa kudarika iri.
Namata Uchiti
Baba vekudenga. Ndinokutendai. Mavhura meso angu. Saka ndava kuvona vanhu sekuvavona kwamunoita imi. Mandibatsira kunzwisisa kukosha kwemweya wemunhu. Izvi zviri kundipa shungu dzekubatsira vakarasika. Ndichivaparidzira Ruponeso. Ndichivabvisa murima. Ndichivapinza muchiedza. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Ruka 15:3-7; Johane 3:16-17; Jakobo 5:20
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)